Accessibility links

Breaking News

VaHlatywayo Vanoti Havaoni VaMoyo Vachigadza Komisheni Inofanofambisa Mabasa muBulawayo


Bulawayo City Council
Bulawayo City Council

Mutevedzeri wemunyori wezvekutongwa kwematunhu nemaguta mu MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaClifford Hlatywayo, vanoti havaoni hurumende ichigadza komisheni yekuti ifambise mabasa eguta reBulawayo.

Mashoko aVaHlatywayo anouya zvichitevera danho rehurumende retuma komisheni yevanhu vashanu kuti iongorore makakatanwa ari muguta reBulawayo.

Komisheni iyi iri kutarisirwa kutura gwaro rayo kugurukota rezvekotongwa kwemaguta nematunhu, VaJuly Moyo.

Makakatanwa emuBulawayo akabuda pachena zvichitevera kumbomiswa basa kwakaitwa munyori weguta, VaChristopher Dube, nemutevedzeri wameya weguta, VaTinashe Kambarami.

VaDube vakamiswa basa vachipomerwa mhosva dzakati kuti, kusanganisira kusaita basa nemazvo pamwe nehuori.

Asi MDC yakabuda nechisungo chekuti VaDube vadzoserwe pabasa nyaya dzavari kupomerwa dzoferefetwa.

Meya weguta, VaSolomon Mguni, avo vaive pazororo, vakanyorawo tsamba vachimisa danho rakanga ratorwa naVaKambarami, vakatiwo nyaya iri kupomerwa VaDube iferefetwe.

VaHlatywayo vanoti kunyange hazvo pane vamwe vava kufungidzira kuti Zanu PF ichatora mukana wekunetsana uku kuti imise makanzura eguta, yodzika komisheni inofanofambisa mabasa ekanzuru, havaoni VaMoyo vachiita zvakadai.

VaHlatywayo vanoti pane mutsauko mukuru uripo pakati paVaMoyo nemaitiri emakurukota aive muhurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ayo akapindira mukutongwa kwematunhu kuburikidza nekugadza makomisheni mumakanzuru aive pasi peMDC.

Vaimbove makurukota ezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, pamwe naVaSavior Kasukuwere, vakapinda munhoroondo yekupindira mukutongwa kwemaguta aive pasi peMDC.

Izvi ndizvo zviri kutyirwa nevakawanda vachiti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haina kusiyana nezvaitwa nehurumende yaVaMugabe, nokudaro inogona kuumba komisheni kuti ifambise guta reBulawayo.

Asi VaHlatywayo vanoti Zanu PF ikaita saizvozvo, inenge yabuda pachena kuti hairemekedzi kodzero dzevanhu vakasarudza makanzura avanoda kuti vatungamire kufambiswa kwemabasa muguta reBulawayo.

VaHlatywayo vanoti vanotarisira kuti VaMoyo vacharemekedza zvido zvevanhu kuburikidza nekusapindira mukanzuru yeBulawayo.

“Kanzuru yeBulawayo yakaita musangano neMuvhuro ikawirirana kugadzirisa zviri kunetsa, nokudaro hationi hurumende ichipindira pakadai,” vadaro VaHlatywayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG