Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC Rinoti Vatsigiri Varo Varikushungurudzwa neMapurisa


Makomborero Haruzivishe

Bato guru rinopikisa reMDC riri kuchema chema richiti nhengo dzavo dziri kushungurudzwa zvakanyanya nemapurisa.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu makumi mana nevanomwe vakambosungwa mazuva mashoma adarika, kunyanya vatsigiri veMDC uye vamwe vadzidzi vanomwe vechikoro cheAllen Wilson muHarare vachinzi vainge varatidzira zvisiri pamutemo.

Vamwe vakasungwa vanosanganisira VaMakomborero Haruzivishe, vaive mutungamiri wesangano revadzidzi, reZINASU, avo vamiswa pamberi pedare nhasi, pamwe chete neMumwe wavo, VaAllan Moyo.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Gweta VaInnocent Gonese vanoona nezvemitemo muMDC vanoti vaHaruzivishe naVaMoyo vachadzokera kudare redzimhosva nemusi weMuvhuro kunoudzwa zvinenge zvatarwa nedare.

Hurukuro naVaInnocent Gonese
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG