Accessibility links

Breaking News

Komiti yeMDC Yotanga Kuongorora Mashandiro eKanzuru yeHarare


Zimbabwe Opposition Gathering
Zimbabwe Opposition Gathering

Komiti yakaumbwa nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, yekuona kuti nhengo dzabato iri dziri mumakanzuru, paramende nemamwe mapazi ehurumende dzaita basa zvakajeka uye pasina huwori, yeAccountability and Integrity Panel, yazivisa kuti ichatanga basa rayo nekuongorora kanzuru yeHarare.

Vachitaura muHarare, sachigaro wekomiti iyi, Advocate Tabani Mpofu, vati vachatanga kuongorora ma contracts ese akapihwa nekanzuru yeHarare kuti vaone kuti zvinhu zvese zvakaitwa pachitevedzwa gwara here.

Imwe nhengo yekomiti iyi zvakare vari gweta, VaPaidamoyo Saurombe, vati vanoda kuona kuti kanzuru iyi yaita basa rayo zviri pamwero uye kuti iri kutevedza here mutemo pabasa rayo.

VaMpofu naVaSaurombe vati basa richaitwa pachena uye hapana acharoverwa pachipiyaniso asina kupihwa mukana wekunzikwa.

Vaviri ava vatiwo kunze kwekubvurudza vanenge vachipomerwa mhaka, veruzhinji vachapihwawo mukana wekupa humbowo panenge pachiitwa ongororo idzi.

Vati panenge paonekwa kuti pakaitwa zvechitsotsi kana huwori, komiti yavo ichakwidza nyaya idzi kumapurisa kana masangano akaita seZimbabwe Anti- Corruption Commission.

VaMpofu vati komiti yavo ichashandisawo madandemutande akaita seWhatsApp neTwitter kuti veruzhinji varerukirwe kusvitsa zvichemo nehumbowo kwavari.

Sachigaro vesangano reHarare Metropolitan Province Residents Forum, zvakare vari mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati sebato rinotonga makanzuru akawanda munyika, zvaitwa neMDC zvakanaka uye vanovimba kuti zvichapedza huwori hunonzi hwatekeshera mumakanzuru awa.

Vatiwo vanovimba kuti MDC haisi kuzoshandisa komiti iyi kushungurudza kana kudzinga makanzura asingawirane nevakuru vakuru vebato iri.

Asi VaMpofu vati izvi hazvisizo zviri kuzoitika vachiti komiti yavo ichaita basa rayo pachena pamwe nekupa munhu wese mukana wekuti anzikwe.

Komiti iyi yakaumbwa naVaChamisa muna Gumiguru gore rapfuura. Dzimwe nhengo dzekomiti iyi ndaVaDevine Tendere, Amai Dudu Nyirongo naVaPaidamoyo Saurombe uye Kelsey Smyth ndiye anenge ari mukuru wevashandi vekomiti iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG