Accessibility links

Breaking News

Sachigaro veMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, Vanosungwa neMapurisa


Thabitha Khumalo
Thabitha Khumalo

Sachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Thabitha Khumalo, pamwe nevamwe vatsigiri vebato ravo vatanhatu, vasunga neMugovera nemapurisa muBulawayo.

Muzvare Khumalo, avo vanomirira Bulawayo East muNational Assembly, vasungwa pamwe chete nemurongi wemisangano muBulawayo, Amai Helen Mpofu, VaElliot Mujeri, VaTinashe Matimbure, Meli Sithole, Shelton Tembo nemumwe mutsigiri watisina kuziva zita rake.

Vanomwe ava vambochengetedzwa nemapurisa epakamba yeTshabalala.

Vasungwa ava vazoendeswa kukamba huru yemapurisa yepaBulawayo Central Police Station.

Studio7 yaedza kunzwa kumutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe zvikonzero zvasungirwa vanhu ava, asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ayo ari kumirira nhengo dzeMDC dzasungwa idzi, anoti Muzvare Khumalo nevamwe vavo vari kupomerwa mhosva yekuburitsa manyepo zvichitevera mashoko ari kushambadzwa pasi pehurongwa hweFree Zimbabwe Campaign.

Gwaro rinonzi ndiro rasungisa Muzvare Thabitha Khumalo nevamwe vavo
Gwaro rinonzi ndiro rasungisa Muzvare Thabitha Khumalo nevamwe vavo

Mutauriri weMDC mudunhu reBulawayo, VaSwithern Chiroodza, vanoti ichokwadi kuti Muzvare Khumalo vasungwa.

VaChiroodza vanoti mapurisa ambosvikawo pamuzinda wemahofisi avo muBulawayo, vachiti izvo zvinoratidza kuti pane zvaari kuda kuita kubato ravo iro rine hurongwa hwekuratidzira muBulawayo nemusi weMuvhuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG