Accessibility links

Breaking News

MDC Yopemberera Kusvitsa Makore Makumi Maviri Yaumbwa


Supporters of Nelson Chamisa's opposition Movement for Democratic Change (MDC) party attend the final election rally in Harare, Zimbabwe, July 28, 2018.
Supporters of Nelson Chamisa's opposition Movement for Democratic Change (MDC) party attend the final election rally in Harare, Zimbabwe, July 28, 2018.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti iri kuenderera mberi neMugovera nehurongwa hwavo hwekupemberera kusvitswa kaitwa makore makumi maviri kubva parakaumbwa muna Gunyana 1999.

Bato iri rinoburitsa mashoko aya zvichitevera mashoko ari kutumirwa pa social media achiti hurongwa hweMugovera hwakanzurwa.

Murongi wemisangano mubato iri, VaAmos Chibaya, vanoti hapana chachinja pahurongwa hwavo.

VaChibaya vanoti kune vanhu vari kuda kuti musangano wavo usabudirira izvo zviri kupa kuti vanhu ava vati VaChamisa vachange vari kurufu kwaVaMugabe neMugovera.

VaChibaya vanoti VaChamisa ndivo vachange vari munyarikani mukuru pahurongwa hwavo, uye vari kutarisira madzisahwira achibva kunze kwenyika kunge ari muRufaro Stadium.

Vaimbi vane mukurumbira munyika vachange vachivaraidza vanhu nemumhanzi.

MDC yakamisa hurongwa hwayo uhwu musi wa Gunyana 14 ichipa mukana wekuti nyika icheme VaMugabe, avo vakashaya kuSingapore musi waGunyana 6.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG