Accessibility links

Breaking News

MDC Inopemberera Kusvitsa Makore Makumi Maviri Yaumbwa


MDC@20
MDC@20

Bato reMDC raita mhemberero munhandare yeRufaro yekusvitsa makore makumi maviri kubva parakaumbwa muna Gunyana 1999.

Asi mhemberero idzi dzisati dzatanga, mapurisa afumobata jongwe muromo ndokuvhara muzinda webato iri weMorgan Tsvangirai House uye abva azara mumigwagwa yose yeHarare kusanganisira uko kunhandare yeRufaro kuMbare kwange kuchiitirwa musangano uyu,

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vati havana kufara nezvange zvaitwa nemapurisa zvekuvhara muzinda wavo.

Vachitaura kumhomho yevatsigiri vavo vanga vari muRufaro, Chamisa vati vanoda kuita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, asi vati vanoda kugovana njere, kwete masimba.

VaChamisa vatiwo nhaurirano dziri kuitwa pari zvino naVaMnangagwa nemamwe mapato anopikisa, kutungana kwembudzi.

Mutungamiri weMDC ataurawo nezvenhoroondo yebato rake.

VaChamisa vavimbisawo kuti bato ravo rechine hurongwa hwekuratidzira zviri pamutemo kunyange pari zvino vari kurambidzwa nemapurisa ayo ari kuti anotya kuti vanozopanywa zvinhu.

Asi danho iri riri kushorwa nevemapato anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze achiti kutyora bumbiro remitemo.

Vamwe vataura pamhemberero idzi vanosanganisa vatungamiri vesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, sangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union, nemamwe masangano akazvimirira.

Mumiriri weNorton mudare reparamende, VaTemba Mliswa, vataurawo pachiitiko ichi asi havana kutambirwa nevanopikisa avo vatanga kuita ruzha kuti vasataure.

Vamiriri venyika dziri muEuropean Union, Netherlands, nevange vakamirira mumiriri weAmerica muZimbabwe, nevamwe vanyarikani, vange vari pamhemberero idzi.

Vanhu vange vachifadzwawo nenzimbo kubva kune vaimbi vakawanda vanosanganisira Baba Harare, Beverly Sibanda, Shinsoman, Tryson Chimbetu nevamwe.

Bato reMDC rakaumbwa muna Gunyana 1999 richitungamirwa namuchakabvu Morgan Tsvangirai avo varumbidzwa zvikuru nevatauri vakawanda.

Vanhu vaive muhutungamiri hwebato parakavambwa vachiri muhutungamiri pari zvino ndiVaChamisa, avo vakava sachigaro wekutanga wevechidiki mubato, pamwe nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, VaWelshman Ncube, avo vakava munyori mukuru wekutanga webato iri muna 1999.

Vamwe vaive muhutungamiri hwebato muna 1999, ndimuchakabvu Gibson Sibanda, avo vaive mutevedzeri wemutungamiri webato, muchakabvu Isaac Matongo, avo vaive sachigaro; muchakabvu Learnmore Jongwe, avo vaive mutauriri webato; muchakabvu Roy Bennett, avo vaive mubati wehomwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG