Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoita Zinyekenyeke neNyaya yeZvigaro


MDC Alliance principals present Chamisa as 2018 presidential candidate.
MDC Alliance principals present Chamisa as 2018 presidential candidate.

Zvinhu hazvina kumira zvakana muMDC Alliance zvichitevera kusaremekedza chibvumirano kunonzi kuri kuitwa neMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Vamwe vari muMDC Alliance vasina kuda kudomwa nemazita vanoti MDC-T yava kuita zvisiri muchibvumirano zvekutora zvigaro kubva kumamwe mapato madiki ari mumubatanidzwa uyu.

MDC-T inonzi yatora zvigaro gumi nezvipfumbamwe kuMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, iyo yakange yagoverwa zvigaro makumi matatu nezviviri. Transform Zimbabwe, iyo yange iine zvigaro gumi nezvipfumbamwe, yatorerwa zvigaro gumi, ukuwo People’s Democratic Party ichinzi yatorerwawo zvigaro mumatunhu anoti Masvingo neMatabeleland South.

Vataura neStudio7 ava vatiwo MDC-T inoti iri kutora zvigaro zvose zvemakanzura, seneta neproportional representation, izvo mamwe mapato ari muAlliance ari kuti akanyengedzwa paakanyorerana zvibvumirano zvezvigaro.

Nyaya iyi yakatsvirira nezuro ose pamuzinda weMDC-T muHarare apo mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaitarisirwa kuuya kuzogadzirisa dambudziko rapinda mumba iri, asi havana kuita izvi.

Vachitaura nezuro manheru mushure mekunge vatadza kusangana naVaChamisa, mutauriri weMDC Alliance, Professor Welshman, Ncube vakabvuma kuti hapana mufaro mumapato ese asi vakati Alliance ichaendesa vanhu kuNomination Court pazvinzvimbo zvese zvinokwikwidzwa.

VaNcube vakati dambudziko raitika nderekuti mapato haana kutevedza chibvumirano chavakasainirana zvaita kuti vatange kutaurirana patsva uye kuti vamwe vaone sekuti vanogona kukunda musarudzo vari vega vasina mubatanidzwa wemapato.

Asi vanoona nezvekudyidzana neZEC muMDC-T, VaJameson Timba, vakati mapato ese ari muAlliance achapinda musarudzo sebato rimwe chete uye vakuru vakuru veAlliance ndivo vachadoma vanhu vanomirira matunhu akasiyana siyana.

VaNcube vati chivimbo chavo ndechekuti hapana bato richanyoresa nhengo dzaro dzisiri muAlliance uye vati kunyange izvi zvikaitika tariro yavo ndeyekuti vanhu vabatane zvakare panopera Nomination Court kuti vakwanise kukunda musarudzo.

Vati vaimbove mutungamiriri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vakatanga mubatanidzwa uyu zvakanaka chose mushure mekuona kuti zvainetsa kuti bato rimwe chete rikunde Zanu PF musarudzo.

Vari kuziva zviri kuitika vanoti mapato madiki ari muAlliance atorerwa zvigaro zvose zvaakange apihwa izvo zvichavhiringa zvakawanda muMDC Alliance

Dare reNomination Court riri kugara nhasi mumatunhu ese munyika kuti ritambire mazita evanoda kukwikwidza musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG