Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Yasvitsa kuZec Nyunyuto Dzakabva Mumatunhu Akawanda


VaChalton Hwende
VaChalton Hwende

MDC Alliance inoti yaunganidza magwaro enyunyuto, ayo akasainwa nevanhu vanodarika mazana matatu ezviuru, vachiratidza kusafara kwavo nekudomwa kwemazita evanhu vachatora zvigaro gumi nezvishanu zvemu National Assembly pamwe nemudare reSenate, kwakaitwa neMDC-T.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwakaitwa nhengo dzeMDC Alliance mumatare aya, neMDC-T.

Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Justice Priscilla Chigumba, vakazivisa zviri pamutemo mazita evanhu vakadomwa neMDC-T, vakati vanoda kupikisa izvi, vane kodzero yekunyorera komisheni yavo mukati menguva yakatarwa nemutemo.

Priscilla Chigumba, the chairperson of Zimbabwe Election Commission
Priscilla Chigumba, the chairperson of Zimbabwe Election Commission

Asi munyori mukuru weMDC Alliance, Va Chalton Hwende, vanoti Zimbabwe Electoral Commission haitevedzeri mitemo yenyika, asi kuti inotevedzera zvido zveZanu PF.

VaHwende vanoti dai Zimbabwe Electoral Commission yaitevedza mitemo ingadai yakadoma mutungamiri wavo, VaNelson Chamisa, semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2018.

Zimbabwe Electoral Commission yakazivisa kuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakanga vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, izvo zvakapikiswa neMDC Alliance mudare reConstitutional Court.

Asi dare iri rakapa mutongo wekuti zvakataurwa neZimbabwe Electoral Commission ndizvo raimira nazvo, izvo zvakzopa kuti VaMnangagwa vatoreswe mhiko yekutungamira nyika.

Asi MDC Alliance haina kugutsikana nemutongo uyu, uye kusvika pari zvino, inoti haitambiri VaMnangagwa semutungamiri wenyika, ichiti VaChamisa ndivo vakakunda musarudzo iyi.

VaHwende, avo vanove mumwe wenhengo dzeMDC Alliance dzakatanga kudzingwa mudare neMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, vanoti zviri pachena kuti vanhu vakaburitsa zvido zvavo nekusaina magwaro enyunyuto dzavo ayo vakaendesa kumahofisi eZimbabwe Electoral Commission munyika yose.

VaCharlton Hwende
VaCharlton Hwende

VaHwende vanoti hazviite kuti vanhu vamirirwe nemunhu akakundwa musarudzo sezviri kuda kuitwa neMDC-T.

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato rakadzinga munhu muparamende, ndiro rine masimba ekudoma munhu anotsiva akadzingwa wacho pakatariswa mitemo yeProportional Representation pamwe nemadomerwo enhengo dzedare reSenate.

VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumukuru anoona nezvesarudzo munyika yose, VaUtloile Silaigwana, kana vange vatambira magwaro enyunyuto dzakaitwa neMDC Alliance pamwe nevanhuwo vari mumatunhu ane vanhu vakadomwa neMDC-T.

Nharembozha yaVaSilaigwana yanga ichinetsa kubata.

Asi Justice Chigumba vaudza Studio7 parunhare kuti vanga vasati vasumwa nyaya iyi naVaSilaigwana sezvo vasingashande kumahofisi munguva dzose kunze kwekunge kana munyika muine sarudzo dzose dzemakanzura, nhengo dzeparamende nemutungamiri mwenyika, kana kuti harmonized elections.

Asi Justice Chigumba vati vanoshanda vachitevedza mitemo, uye hapana mutongo wedare unovarambidza kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwema nominations sezvo vari kuita basa ravo zviri pamutemo.

Justice Chigumba, avo vanove zvakare mutongi wematare epamusoro, vati vanozviziva kuti kune vanopikisa vakawanda vari kuvapomera mhosva yekushanda vakarerekera divi rimwe chete, vakati mashoko akadai anobva kuvanhu vasingazive mashandiro ekomisheni yavo.

Justice Chigumba vati zvakosha kuti vemapato ezvematongerwo enyika vazive zvinoreva nezvinodiwa nemitemo yesarudzo vasati vatanga kutaura zvinozvidza mashandiro ekomisheni yavo.

VaHwende vati vachamirira kuona danho richatorwa neZimbabwe Electoral Commission, vozogara pasi vachironga kuti vofambira seyi mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG