Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoita Musangano muBulawayo


Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume.
Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume.

Mubatanidzwa wemapato anopikisa, weMDC Alliance, uri kutarisirwa kuita musangano muBulawayo nemusi weMugovera.

Mumavhiki apera, pange pane kusawirirana mune mamwe mapato ari mumubatanidzwa uyu, kusanganisa bato rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai reMDC-T, PDP inotungamirwa navaTendai Biti uye Zanu-Ndonga.

VaJacob Ngarivhume, mutungamiri weTransform Zimbabwe uye vanotaura vakamirira sangano reMDC Alliance, vanoti zvinhu zvese zviri kufamba zvakanaka uye vanhu vanotenderwa kusawirirana nevakuru vemapato avo nekuti ndihwo hutongi hwejekerere.

“Takawirirana nevamwe vari mumubatanidzwa kuti tiende kuma Province edu tichiudza vanhu pamusoro pemubatanidzwa wedu. Sezvamunoziva, takaita musangano nevanhu kuHarare, saka ikozvino tiri kuita kuBulawayo, tapedza tichaenda zvekare kuMasvingo, kwaMutare nekuGweru.”

Pamusoro pezviri kutaurwa zvokuti mamwe amapato avo anenge ane vatsigiri vari kugununguna uye vasingade kuti mapato avo, kunyanya MDC-T, apinde mumubatanidzwa uyu, VaNgarivhume vanoti ivo havagone kutaura vakamiririra MDC-T asi hazvivakatyamadzi kuti vamwe vanopokana nevakuru vemapoka avo.

“Inini chandingango taura semutauriri we MDC Alliance ndechokuti kana vamwe vevateveri verimwe bato vakasawirirana nevamwe vavo zvakangonakawo nokuti pajekerere vanhu vanofunga zvakasiyana; hazvingaite kuti vanhu vese vafunge zvakafanana.”

Vakapamidzira vachiti: “Isusu muMDC Alliance, tinotofarira kusiyana kwepfungwa; kusiyana kwemafungiro evanhu tinoziva kuti ndiro jekerere. Saka kana vaine kusiyana kwavo kwavanako, zvinhu zvinotarisirwa kuti mubato mungangoitawo vanhu vasingawirirane pane pfungwa iyo neyoyo. Zvinotarisirwa asi hazvisikukanganisa mashandiro eAlliance yedu; Alliance irikushanda zvakanaka.”

VaNgarivhume vati parizvino vari kuzeya nyaya yekuti ndivanani vachamiririra mubatanidzwa uyu musarudzo.

HURUKURO NAVA JACOB NGARIVHUME
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG