Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inokundikana Zvakare kuMatare eDzimhosva


Khupe Tsvangirai Chamisa
Khupe Tsvangirai Chamisa

Munyori mukuru mu MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vari kufara kuti mutongi wedare repamusoro, Va Pisirai Kwenda, vakarasa neChishanu nyaya yakapinzwa mudare nevanhu gumi nevaviri ve MDC Alliance, avo vakadzingwa neMDC-T mumatare e Senate pamwe ne National Assembly.

Vachirasa nyaya yakakwidzwa mudare nevanhu gumi nevaviri ava, Justice Kwenda vakati vanhu ava havakwanisi kupikisa zvinenge zvatarwa neMDC-T sezvo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato iri, Muzvare Thokozani Khupe, vaine masimba ekuita izvi zvichitevera mutongo wedare repamusoro soro wakaitwa muna Kurume.

VaKwenda vakatura mutongo uyu mushure mekunge nhengo dzeNational Assembly dzinoti; Mucharairwa Mugidho, Bacilia Majaya, Annah Nyambo naNomathemba Ndhlovu, pamwe nenhengo dzeSenate dzinoto; Gideon Shoko, Helen Zivira, Helen Phuti, Tapfumaneyi Wunganai, Philis Ndlovu, Kerencia Chabuka, Herbert Sinamapande naSiphiwa Ncube dzapikisa kudzingwa kwadzakaitwa neMDC-T.

VaMwonzora vanoti vose vakabva kuMDC yaVaTsvangirai vakakwikwidza musaraudzo pasi peMDC Alliance, vanhu veMDC-T yakasiyiwa naVaMorgan Tsvangirai pavakashaya.

VaMwonzora vanoti pamutemo hapana kongiresi yati yaitwa yekutsvaga munhu achatsiva VaTsvangirai, uye kongiresi iyi iri kutarisirwa kuitwa kupera kwaGunyana gore rino.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti havana chivimbo nematare edzimhosva nokuti anoita zvaanenge audzwa neZanu PF.

VaHlatywayo vanotiwo havaneyi nezviri kutaurwa neMDC-T, vachiti bato iri riri kudyidzana neZanu PF, vakati zviri pachena kuti hurumende iri kutya MDC Alliance nemutungamiri wayo, VaNelson Chamisa, avo vati ndivo vakasarudzwa semutungamiri wenyika.

Asi mashoko aVaHlatywayo anopesana nezvakaturwa neZimbabwe Electoral Commission, zvikatsigirwa nedare reConstitutional Court, zvekuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Asi VaMwonzora vanoti chinovashamisa ndechekuti MDC-T ndiyo yakaenda kumatare, uko inodzoka ichichema kana yakundwa, asi ikahwina, hainyombi matare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG