Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoudza Madzishe Kuti "Achenge Ose Manhanga"


Nyika Rally

Madzishe nemasabhuku havafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika sezvo vanhu vari pasi pavo vaine kodzero dzekutsigira bato ravanoda. Aya ndiwo mashoko akasimbaradzwa neChishanu nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, pamusangano wavakaita paNyika Growth Point kuMasvingo.

VaChamisa vakati madzishe haafanirwe kumanikidza vanhu kuti vatsigire Zanu PF, vachiti basa remadzishe ndere kuona kuti tsika nemagariro evanhu zvakachengetedzwa murunyararo.

VaChamisa vakati vakapinda panyanga hurumende yavo icharemekedza madzishe uye ichaita kuti hupenyu hwavo huve nani asi isingavashandisi mune zvematongerwe enyika.

Vakatiwo hurumende yavo ichasimudzira mabasa ebudiriro kumaruwa, zvinozoita kuti vanhu vave nemagariro ane chiremera.

Vachitaura pamusangano uyu, sachigaro we echidiki muMDC-T, VaHappymore Chidziva, vakakurudzira vechidiki kuti vasaite mhirizhonga uye vachengetedze vakuru vari kushungurudzwa neZanu PF ichishanda nemadzishe.

VaChamisa vakashoropodza hurumende yeZanu PF vachiti yakatadza kuisa budiriro mumaruwa kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980 izvo zviri kuita kuti vanhu vatambure mukurarana.

Vakatora mukana uyu kuvimbisa mhomho yevanhu vekuMasvingo yaive pamusangano uyu kuti hurumende yavo ichagadzirisa migwagwa, zvipatara, zvikoro, uye kuumba nzvimbo dzinowanisa vagari vekumaruwa mabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG