Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoramba Kutambira Mutongo waVaPisirai Kwenda


Supporters of Zimbabwean opposition MDC Alliance party leader Nelson Chamisa hold his campaign posters as they gather outside the MDC Alliance's headquarters in Harare on July 31, 2018.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti havana chivimbo nematare edzimhosva nokuti anoita zvaanenge audzwa neZanu PF.

Vachitaura neStudio7 mushure mekunge mutongi wedare repamusoro, VaPisirai Kwenda, varasa chikumbiro chenhengo dzeMDC Alliance chekuti MDC-T haina masimba ekudzinga vanhu vakapinda muparamende netiketi reMDC Alliance, VaHlatywayo vanoti vakangoenda kumatare kuitira kuti pave nenhoroondo yakanyorwa pasi inoratidza kuti matare ari kutonga achitarisa kuti wabuda mumba maani.

VaHlatywayo vanoti chokwadi chiripo ndechekuti vanhu vakadzingwa muparamende ava havasi nhengo dzeMDC-T asi kuti inhengo dzeMDC Alliance iyo yakaita kongiresi yayo uye ikabuda nemazita evanhu vakakwikwidza muzvinzvimbo zvedare reparamende.

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vose vakabva kuMDC yaVaTsvangirai vakapinda muMDC Alliance, inhengo dzeMDC-T.

Panyaya yekuti MDC iri kuramba kutambira mutongo waVaKwenda, VaMwonzora vanoti vanhu veMDC Alliance ndivo vega vakaenda kumatare, uye vanoti kana vakunda, vanofarira mutongo unenge waturwa, asi kana vakundwa, votanga kunyomba mitongo iyi.

Asi VaHlatywayo vanoti mahumbwe ari kuitika aya achapera hawo nekuti nguva iri kusvika yekuti MDC Alliance iratidze nyika yose kuti ndiyo chete inotsigirwa neruzhinji rwevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG