Accessibility links

Breaking News

Nhengo Gumi neMbiri dzeMDC Alliance Dzinosungwa kuChinhoyi?


Paul Nyathi -Police

Nhengo dzebato reMDC Alliance gumi nembiri dzasungwa pamahofisi ebato iri muChinhoyi apo dzinoti dzanga dzichironga hurongwa hwekuviga nhengo yadzo yakafa nezuro.

Vachitaura vasati vatorerwa nharembozha yavo, murongi wemisangano mudunhu VaBlessing Mandava, vati hapana mhosva yavapara sezvo vanga vachironga nezvenhamo yenhengo yavo.

VaMandava vati vasungwa nemasoja matanhatu anga akapakatira pfuti pamwe nemapurisa manomwe.

VaMandava vati havasati vaudzwa kuti mhosva yavo ndeyei.

Asi mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Insp Margret Chitove, vati hapana zvavari kuziva nezvekusungwa kwenhengo dzeMDC Alliance.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe kana vaine ruzivo nezvekusungwa kwenhengo dzeMDC Alliance.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati kuita kwemapirisa kunoratidza kuti vari kutumwa kushungurudza nhengo dzavo.

VaHlatywayo vati chinoshamisa ndechekuti nhengo dzebato reZanu PF dziri kuunganidza vanhu pamisangano uye vari kuita misangano yavo asi mapurisa hapana zvavari kuita.

Mune imwewo nyaya bato reMDC Alliance rinoti rinochema pamwechete nevanhu vedunhu reMashonaland East nenyika yose nekufa kwaIshe Nyamukoho vanozivikanwa nezita rekuti Samson Katsande.

MDC Alliance inoti Ishe Nyamukoho munhu ayida runyararo uye ayikurudzira kuti vanhu vazvishandire kwete kugara vachingopemha.

Munyori wezvematunhu muMDC Alliance, VaSesel Zvidzai, vati vanoshuwira dzidziso yakasiiwa naIshe Nyamukoho yekuenzanisa vanhu, kuzvishandira pamwe nekutevedzera mitemo zvavakasiyira nyika yose.

Ishe Nyamukoho, avo vakamboita seneta, vakashaya nemusi weChina manheru vava nemakore makumi masere nemapfumbamwe.

Vasiya mudzimai, Dorcas, nevana vashanu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG