Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Alliance Inobvisiswa Mari yeChibatiso neDare rePamusoro kuMasvingo


Masvingo Court
Masvingo Court

Dare repamusoro muMasvingo ratambira chikumbiro chemurongi wemisangano yevechidiki muMDC Alliance, VaGodfrey Kuraone, chekuti vabhadhariswe mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaKuraone vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiriri wenyika, VaEmerson Mnangagwa.

Mutongi wedare, VaNevile Wamambo, vati VaKurauone, avo vanova zvakare kanzura we Ward 4 mudhorobha reMasvingo, vabhadhare mari inosvika chiuru chemadhora emaRTGS kuitira kuti vatongwe vachibva mumba kwavo.

VaWamambo vashoropodza dare repasi remajisitireti iro rakanyima VaKurauone mukana uyu richiti vanogona kuzotiza, ivo vachiti nyaya dzakadai hadziiti kuti vanhu vatize munyika.

Gweta raVaKurauone, VaMartin Mureri, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vati VaKuarone vanzi vadzoke kudare repasi svondo rinouya musi wa22 Chikunguru.

VaKurauone vari kupomerwa mhosva yekutuka mutungamiriri wenyika apo vakaudza vanhu vainge vakamirira mabhazi eZUPCO, vachibva kubasa mudhorobha kuti vari kutambura nekuti VaManangagwa vawondonga nyika.

VaKuraoune vanozi vakapara mhosva iyi musi wa 29 Chikumi pamwe nemukuru webasa musangano reMasvingo Centre for Research and Development(MACRAD), VaEphraim Mutombeni, avo vakatanga kusungwa asi vakapuhwa mukana wekutongwa achibva kumba.

Mune imwewo nyaya, vagari vemudhorobha reMasvingo kunyanya vanoshandira mukati meguta iri vari kuchema chema zvikuru nekutadza kwavari kuita kuenda kumabasa avo
kubva nemusi weChipiri.

Izvi zvinotevera kuwedzerwa kwezvisungo zveCovid-19 national lockdwon izvo zviri kuita kuti mapurisa nemauto arambidze vanhu kupinda mudhorobha kuti vaende kumabasa avo.

Mumwe mushandi, Amai Nancy Mukangate, vanoti izvi zvichaita kuti vatadze kuriritira mhuri dzavo.

Mutauriri weCovid-19 task force muMasvingo, VaRogers Irimayi, vanoti zvichitevera mashoko akataurwa nehurumende nezuro, vatove mubishi rekuti vaone kuti kufamba kwevanhu kwadzorwa kuitira kuti chirwere chatekeshera ichi chisarambe chichikiwira huwandu.

Hurumende inoti iri kusimbisa mitemo yelockdown zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri munyika.

Asi vamwe vakaita saVaEdomre Gondwe vanoti kurambidzwa kwevanhu kufamba kuri kukonzerwa nekuti hurumende iri kuda kurambidza vagary kuti vasaite ratidziro yenyika yose iyo iri kurongwa kuitwa musi wa 31 Chikunguru.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira, VaMasimba Gonese, vanoti hurumende iri kuda kutora mukana we Covid-19 kuwedzera lockdown sechombo chekurambidza vanoda kuratidzira munyika vachitsutsumwa kuoma kwehupenyu.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, sezvo vange vasingadairi nhare yavo.

Asi mumashoko ayo ayakaburitsa, hurumende inoti izvi hazvineyi nekuratidzira kuri kuda kuitwa asi kuti iri kutora matanho aya senzira yekudzivirira kukwira kwehuwandu hwedenda reCovid-19 munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG