Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inofungidzira Kuti VaChiwaya Vakapondwa


Supporters of Zimbabwean opposition MDC Alliance party leader Nelson Chamisa hold his campaign posters as they gather outside the MDC Alliance's headquarters in Harare on July 31, 2018.

Sachigaro webato reMDC Alliance mudunhu reHurungwe, VaLavender Chiwaya, vawanikwa vakafa mangwanani pedyo nepamba pavo muKaroi mudunhu reMashonaland West.

Mukoma waVaChiwaya, VaJohannes Chiwaya, vati vawana munin’ina wavo
akafa pedyo nepamba pake akatarisa mudenga achibuda zvinhu zvichena
mukanwa, asina hembe, bhadhi rake rakasunungurwa uye ayine zvinhu
zvake zvose zvinosanganisira mari nenharembozha.

Vati semaonero avo vanofungidzira kuti munin’ina wavo akadyiswa mucheturamkana kuti akadzipwa akafa nekuda kwezvanga zvichibuda mukanwa make.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, VaIan Kohwera, vati
hapana zvavangataure pamusoro penyaya yekufa kwaVaChiwaya vachiti
mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.

Asi bato reMDC Alliance rinoti rinofungidzira kuti nhengo yavo yakapambwa ndokuurayiwa nevanofungidzirwa kuti vasori sezvo nhengo dzavo dzinotungamirira matunhu, makanzura pamwe nevamiriri muparamende dzainge dzichitsvagwa nevanofungidzirwa kuti vasori mumasvondo maviri apera nekuda kwekuratidzirwa kwaida kuitwa munyika mwedzi wakapera.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitwa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo riri kuzorwa mafuta enguruve yarisina kudya.

Sangano rinomirira kodzero dzevanhu munyika, reZimRights, rinoti riri
kushushikana zvikuru nekufa kwevanhu munyika nekuda kwekutsigira bato
ravanoda.

Mukuru weZimrights, VaDzikamai Bere, vanoti mashoko ari kufamba ekuti
VaChiwaya vaiteverwa nevanofungidzirwa kuti vasori zvinoburitsa pachena kuti munyika hamuna kugadzikana sezviri kutaura hurumende.

Kubva musiwa 30 Kurume kusvika pari zvino, Zimrights inoti vanhu vana
vafa zvisina tsarukano uye vamwe vanodarika makumi maviri vari kutiza mudzimba dzavo vachitya kusungwa.

Mutumbi waVaChiwaya uri pachipatara chemuKaroi wakamirira kuti uongororwe kuti chakakonzera kuti vafe chii uye zuva rekuradzikwa kwavo harisati raziviswa nehama dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG