Accessibility links

Breaking News

VaLavender Chiwaya Vanoradzikwa Zvine Mutsindo kuKaroi


Lavender Chiwaya

Nhungo yeMDC Alliance yakawanikwa yakafa svondo rapera muKaroi,
VaLavender Chiwaya, vavigwa neChitatu zvine mutsindo muKaroi pasina
tsananguro yekuti chii chakakonzera kufa kwavo kunyange hazvo ongororo yakaitwa neChipiri kuHarare.

Vanhu vakawanda vatyora mutemo wekuungana apo panga pachiradzikwa VaChiwaya kumarinda emuKaroi, sezvo mitemo yeCovid-19 haibvumidze vanhu vanodarika makumi mashanu kuungana.

VaChiwaya, avo vanga vari kanzura wemuKaroi muwadhi 4, uyezve vari
sachigaro weMDC Alliance wedunhu reHurungwe, varadzikwa mazuva matanhatu vafa zvichitevera kusawirirana kwakamboitika pakati pehama dzemufi nemapurisa pamusoro pekuongororwa kwemutumbi wavo kuti chii
chainge chavauraya kana kuti post-mortem.

Hama dzemufi dzainge dzati kana zvekuongororwa zvichitora nguva
yakareba vaida kuviga hama yavo asi mapurisa akatsika madziro achiti
sezvo painge paine kufungidzirwa kuti vakapondwa, ongororo yainge
yakakosha.

Mutauriri wemhuri yaVaChiwaya uye vari mukoma wemufi, VaJohannes
Chiwaya, vati mutumbi wemufi wakatanga waongororwa chirwere cheCovid-19 muKaroi usati waendeswa kuchipatara cheParirenyatwa kuHarare kun ongororwa chakakonzera kufa kwehama yavo.

VaChiwaya vati mufi akawanikwa asina chirwere cheCovid-19.

VaChiwaya vati muongororo yakaitwa nezuro kuHarare zvakabuda pachena kuti rufu rwaVaChiwaya rwainge rwusina kukonzerwa nekudzwanywa kana kushandisirwa chisimba panhengo dzemuviri.

VaChiwaya vati pakazotorwa zvemukati kuti paitwe imwe ongororo
yavachaziviswa nezvayo mumwedzi mitatu uye zvakare iyo vanoti
vakamiririrawo nekuti mhuri yavo iri kuda kuziva kuti hama yavo
yakaurayiwa nei.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vachaburitsa gwaro rachiremba kana rapera kunyorwa vachiti tivabate neChina.

Rufu rwaVaChiwaya rwakonzera kupumhana huroyi, bato reMDC Alliance
richiti vanhu vanofungidzirwa kuti vasori ndivo vainge vauraya nhengo yavo sezvo vaigara vachiteverwa nevanhu vavasingazive.

Asi mapurisa akati kuferefeta kwaakaita kwakaratidza kuti VaChiwaya vakapedzisira kuonekwa vachinwa zvinodhaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG