Accessibility links

Breaking News

VaMutubuki Vanobvisiswa Mari yeChibatiso neDare kuMasvingo


Dare remajisitereti rekuMasvingo rapa kanzura weMDC Alliance mukanzuru yeChiredzi, VaGibert Mutubuki, mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa yekukurudzira vagary vekwaChivi kupandukira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Mutongi wedare, Muzvare Patience Madondo, vati VaMutubuki vabhadhare
mari inosvika zviuru zvishanu zvemaRTGS uye varambe vachigara
kuChiredzi.

Mutongi audza dare kuti VaMtubuki pamwe nevamwe vatsigiri vebato ravo
vapfumbamwe, avo vakasungwa vakapihwawo mukana wekubhara mari yechibatiso svondo rapera, vakapara mhosva iyi musi mwedzi wapera pazvitoro zveMhandamabwe kwaChivi.

Gweta riri kumirira VaMutubuki, VaMartin Mureri, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vati VaMutubuki vanzi vadzoke kudare musi wa6 Mwedzi
unouya.

VaMutubuki vanonzi vakaita musangano zvisiri pamutemo, uye vaifurira vagari kuti vapandukire VaMnangagwa kuitira kuti vabviswe panyanga nechisimba.

Mutauriri weMDC Alliance muMasvingo, VaDereck Charamba, vati vari kunyunyuta zvikuru nekusungwa kuri kuitwa nhengo dzavo dzechidiki
vachishungurudzwa mumatare nemumajeri.

Mune imwewo nyaya, kanzuru yeguta reMasvingo, nhasi yatura mashoko
ekuti yadzikisa mitero yemvura nezvikamu makumi maviri kubva muzana
zvichitevera kuchema-chema kwakaitwa nevagari avo vange vave kutadza
kubhara mari yakakwidza mubhajeti regore rino.

Vachitaura pamusangano nevatori venhau, meya weguta reMasvingo,
VaCollen Maboke, vati vakatora danho iri mushure mekuona kuti vagari
vazhinji vange vomerwa nekubhara mari dzemitero idzo dzakakwidza
nezvimakamu zvinopfuura mazana mashanu mubhajeti regore rino.

Asi vagari vanoti havasi kutambira zvikamu zvabviswa vachiti zvishoma
shoma kubva muzvikamu mazana mashanu nekudaro vacharamba vachiisa zvichemo zvavo kukanzuru.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, Muzvare Rumbidzai Magurupira, vati kanzuru yakatora danho iri isina kunzwa pfungwa dzevagari nekudaro havaritambiri.

Vagari avo vaimbobhadhara mari dzinosvikaa mazana mashanu dze maRTGS pamwedzi, vave kubvisa mari inosvika zviuru zvitatu zvemadhora eRTGS.

Guta reMasvingo rakatarisana nedambudziko remvura rave nemwedzi inopfuura mitanhatu vagari vachiwana mvura mudzimba dzavo kaviri pasvondo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG