Accessibility links

Breaking News

Mauto Anorova Mapurisa neVeruzhinji muHarare


Thabitha Khumalo
Thabitha Khumalo

Masoja eZimbabwe National Army akaonekwa achirova mapurisa eZimbabwe Republic Police muHarare nemusi weChipiri.

Kurohwa kwemapurisa nemasoja uku kunonzi kwakatanga apo mumwe mupurisa akakanda zvipikiri pasi pemota yemasoja zvikatsamwisa masoja ayo akazotanga kufamba achirova mapurisa nevanhu muna First Street muHarare.

Nemusi weChitatu, paramende yeZimbabwe yakakurukura nyaya iyi apo yakabvunza gurukota rezvamauto, VaSidney Sekeramayi, kuti vaudze paramende kuti chinyi chakaitika.

Mumiriri weBulawayo East muparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti vakabvunza VaSekeramayi kuti seyi masoja akabva kwavanogara achinopinda mukati mevanhu achirova vanhu vasina mhosva yavapara.

“Minister andiudza kuti anoda kuongorora nyaya yacho nekuti haasati ainzwisisa asi kana akaongorora achauya neufakazi kuparamende neyatinoti Ministrial Statement kuti atiudze kuti chinyi chakaitika,” vadaro Muzvare

“Asi taedza kuti hongu Ministrial Statement tinoida asi mapepa nhau abudisa nyaya iyoyi zvinoreva kuti ichokwadi asi VaSekeramayi vatsikatsika vachiti hongu vazvinzwa mumapepa asi vanoda kuti vatange vaongorora.”

Muzvare Khumalo vanoti vakaedza zvikuru kuwana tsananguro asi VaSekeramayi vakatsika madziro vachindandama kuratidza kuti havasi kuda kutaura nyaya yacho.

“Chokwadi chiripo ndechokuti vanhu chokwadi vanochiziva asi vari kuedza kuti vavige nyaya yacho kuti painozosvika kuparamende ‘dust rinenge ra settler’ zvokuti inenge yave nyaya isisina basa, vadaro Muzvare Khumalo”

Mapurisa matanhatu anonzi akakuvadzwa mukurohwa uku zvekuti vari muchipatara.

Studio7 yakaedzawo kunzwa zvakaitika kubva kune vanotaura vakamirira mauto emuZimbabwe, Lieutenant-Colonel Alphios Makotore, asi panguva yatakaenda pamhepo vakange vasina kupindura mibvunzo yedu.

Hurukuro naMuzvare Thabitha Khumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG