Accessibility links

Nhengo dzeZanu-PF kuMasvingo Dzokumbira kuti Amai Muzenda Vaitwe Gamba reNyika


Amai Maud Muzenda

Gurukota rinoona nezvemukati menyika uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa mubato reZanu-PF, Doctor Ignatious Chombo, vanoti vachakamirira kunzwa kubva kudunhu reMasvingo nezvechikumbiro chekuti Amai Maud Muzenda, mudzimai wevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, muchakabvu Simon Muzenda, vaitwe gamba renyika here kana kuti kwete.

Amai Muzenda vakashaya nemusi weMuvhuro kuAvenues Clinic. Vange vave nemakore makuni masere nemasere okuberekwa.

Vanokokera mabasa muZanu-PF, vaLovemore Matuke, vati vatora danho rekuti Amai Muzenda vaitwe gamba renyika uye vanotarisira kuti VaChombo nePolitburo vachatambira tsamba iyi nemusi weChina.

Captain Vitalis Muzenda, mumwe mwana wemufi vaudza Studio 7 kuti Amai vavo vange vachirwara uye vakatombonorapwa kunze.

“Vange vane dambudziko regumbo; vana chiremba vakatiudza kuti ma ‘nerves’ ekumusana. Vakamboenda kunotariswa kuSouth Africa asi kubva pavakadzoka hazvina kunyatsofamba zvakanaka,” mwanakomana wavo, Captain Vitalis Muzenda vakadaro.

Vakawedzera vachiti amai vavo vange vane vana vasere asi vamwe vaviri vakashaya.

“Zvinhu zvakanaka zvese zvinobva kuna amai. Vange vasina basa kuti wakura zvakadini, vange vasinganete kukutsiura.”

Zvichakadaro, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neumwe wevatevedzeri wavo, VaNelson Chamisa, nemusi weChitatu vakaenda kunobata maoko mhuri yekwaMuzenda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG