Accessibility links

Breaking News

Matsi Dzonetsekana neNyaya yemaMask eKudzivirira Covid-19


Iyi imask iri kushandiwa kuItaly kuitira matsi.
Iyi imask iri kushandiwa kuItaly kuitira matsi.

Matsi, kana kuti vanhu vasinganzwi vanokwanisa kutevera zvinenge zvichitaurwa nemunhu vachiona mafambiro anenge achiita muromo wake pakutaura vanoti vari kushushikana zvikuru kubva zvakatanga kupfekwa mamask senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Asi nyika dzakaita seItaly dziri kushandisa mamask ekuti munhu anokwanisa kuona muromo wemunhu kurerutsira matsi.

Mumwe wevakaremara ava, Amai Nasper Manyau, vanoti izvi zviri kusiya vanhu vasinganzwe vari panguva yakaoma.

Amai Manyau, avo vasina hurema hwekusanzwa, vanoti hapanawo zvavanoziva zvakawanda zvine chekuita nenyaya yeCovid 19. Vanotiwo mashoko edzidziso yenhomba yeCovid-19 haisi kusvika zvine mutsindo kuvanhu vakaremara vese.

Mukuru weDeaf Trust of Zimbabwe, Amai Barbara Nyangairi, vanoti zviri kuvanetsa kuti voita sei kuti vanhu vasinganzwe vakwanise kuwana dzidzo nechenjedzo maringe nezvedenda reCovid 19.

Amai Nyangairi vanoti vana vasinganzwe vane dambudziko rekudzidza vachiteerera nhepfenyuro dzakasiyana siyana sezviri kuitwa mazuva ano apo zvikoro zvakavharwa zvokuti dzidziso yedenda reCovid 19 inotovapfuura nokuti vabereki vazhinji havanawo ruzivo rwekusaina kuti vakwanise kubatsira vana mudzidzo dzavo.

Mumiriri wevakaremara muparamende, Senator Rejoice Timire, vanoti Covid 19 yakauya nokurema nokuti denda iri harisarudze zvokuti vari kutyira zvikuru vanhu vasingataure nokuti miromo yavanoona kuti vakwanise kuziva zviri kutaurwa, inenge yakavharwa nemamasiki nguva dzose.

Masangano matatu anoti reCentre for Disability and Development, reDeaf Zimbabwe Trust pamwe nereZimbabwe National League of the Blind, anoti kodzero dzevanhu vane hurema dziri kutyorwa uye kuramba dzichityorwa nehurumende pamwe nenhepfenyuro yeZBC munguva ino yekuvharwa kwenyika.

Masangano aya anoti kuburikidza nekusavepo kwenzira dzinonzwisiswa nevanhu vane hurema hwakadai, vanhu ava vari kurasikirwa zvikuru munguva ino yakakosha yekuti munhu wese ave neruzivo pamusoro pechirwere ichi.

Zimbabwe yakasaina chibvumirano cheUnited Nations Conventions on the Rights of Persons with Disabilities mugore 2013, asi nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nehutano dzinoti zviga zveUnited Nations izvi hazvisati zvaiswa mumitemo yenyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga kuti tinzwe kana paine hurongwa hwakanangana nevakaremara panyaya yedzidziso yezvekubaiwa kwenhomba yeCovid 19.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG