Accessibility links

Breaking News

Madzimai Obvisiswa Mari Zvisiri paMutemo kuEddith Oppermen Maternity Center muMbare


Lawmaker Priscilla Misihairabwi-Mushonga wants Zimbabwe's parliamentary sessions should be held outside the chamber because the facility is too small to house all the country's members of parliament, Oct. 23, 2013. (Sebastian Mhofu for VOA)
Lawmaker Priscilla Misihairabwi-Mushonga wants Zimbabwe's parliamentary sessions should be held outside the chamber because the facility is too small to house all the country's members of parliament, Oct. 23, 2013. (Sebastian Mhofu for VOA)

Komiti yeparamande inoona nezvevanhukadzi pamwe nevechidiki inoti haisi kufara nezviri kuitwa nemamwe makiriniki ari pasi pemakanzuru sezvo vanhukadzi vakazvitakura vari kubhadharisa mari kuti vabatsirwe.

Komiti iyi inoti izvi hazvisi pamutemo.

Izvi zvakabuda pachena mushure mekunge komiti iyi yashanyira zvipatara zvehurumende pamwe nemakiriniki ari pasi pemakanzuru uko vanhukadzi vakazvitakura vari kubvisiswa mari iri pakati pemadhora makumi mashanu nemashanu kusvika pamadhora makumi matatu kuitira kuti vabatsirwe.

Sachigaro wekomiti iyi, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vanoti havana kuona dambudziko iri muzvipatara zvehurumende, asi kuti dambudziko iri riri mumakiriniki ari pasi pemakanzuru.

Vanoti zviri kuitwa nemakanzuru izvi zvinotyora mutemo wakatarwa nehurumende wekuti madzimai akazvitakura arapwe pachena.

Amai Mushona vanoti ongororo yekomiti yavo inotaridza kuti madzimai anenge atadza kubvisa mari idzi kumakiriniki nezvipatara zviri pasi pemakanzuru, vari kurambidzwa kubuda mumakiriniki aya, kana kutorerwa magwaro ekuzvarwa kwevana vavanenge vasununguka.

Amai Mushonga vanotiwo komiti yavo haisi kufara nezviri kuitwa nevakuru vepa Edith Opperman Maternity Center, iyo iri muMbare.

Mbare musha unogara veruzhinji, uye vazhinji vacho vachitambura.

Amai Mushonga vanoti vakaudza madzimai ari pakiriniki iyi kuti vadzoserwe mari dzavakabhadhara sezvo Edith Opperman Maternity Center iri kubhadharisa madzimai aya mari zvisiri pamutemo.

Amai Mushonga vanoti vachasvitsa kuparamende zvose zvavaona, uye vachasangana negurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, kuitira kuti vagadzirise zviri kuitika paEdith Opperman Maternity Center.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi revakuru vepaEdith Opperman Maternity Center.

Komiyi yaAmai Mushonga yashanyira zvipatara zvehurumende nemakiriniki emakanzuru emuBulawayo, Gwanda, Zvishavane, Chivhu neHarare vaine chinangwa chekuzvionera nemaziso avo zviri kuitika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG