Accessibility links

Breaking News

Mitero yeMvura Yoita Chamurambamhuru Kukwira kuMasvingo


Tap water
Tap water

Vagari vakawanda vemudhorobha reMasvingo vari kunyunyuta zvikuru kukwidzwa kwakaitwa mitero yemvura nekanzuru yavo.

Vamwe vagari vanoti mitero yavo yakakwira nezvikamu zvinodarika mazana manomwe kubva muzana, inova mari yakawanda zvikuru.

Vagari vataura neStudio7 vanoti kanzuru yakakwidza mari yemvura apo mari dzavo dzemihoro dziri shoma uye mvura yacho inouya kwenguva shoma-shoma pazuva.

Vamwe vaisibhadhara madhora makumi masere pamwedzi, vanoti vakatambira mabhiri emari yemvura inosvika zviuru zviviri zvemadhora.

Mumwe mugari wemumusha weMucheke, Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti mvura inouya kwemaawa maviri pazuva, nokudaro mari yavari kunzi vabhadhare, haienderani nemvura yavari kushandisa.

Mumwe mugari wemumusha wekwaMajange, Muzvare Alaika Taimu, vanotiwo vave kutyira kuvhariwa mvura vatadza kubhara panguva iyo vakatarisana nedambudziko rechirwere cheCoronavirus, icho chinorwiswa nemvura yakachena nguva dzose kuitira kuti munhu asachibate

Kanzuru yeMasvingo inoti yakakwidza mari iyi mushure mekunge bajeti rayo regore rino rabvumidzwa nehurumende masvondo mashoma apfuura.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vanoti vari kutaurirana nevagari panyaya iyi kuitira kuti zvinhu zvifambire mativi ose.

Sangano reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance rinoti kanzuru inofaniria kudzikisa mitero iyi kuitira kuti vanhu vakwanise kubhadhra mvura.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, VaHardlife Tangayi, vanoti vanotarisira kuti kanzuru ichadzikisa mitero yemvura iyi sezvo vakaita nhaurirano.

Mune imwewo nyaya, kanzuru yedhorobha reMasvingo yotosvorana nevatengesi vepamusika weChitima mushure mekutanga chirongwa chekanzuru chekuputsa misika yevanhu inonzi haisi pamutemo.

Mumwe anotengesera pamusika weChitima, Amai Stella Murimbo, vanoti vachasara vasina chekuraramisa mhuri dzavo kana chirongwa chelockdown chapera sezvo musika wavo wapazwa nemagiredha ekanzuru.

VaMaboke vanoti kanzuru iri kutora mukana wenguva ino yakavharwa mabhizimusi nenyaya yeCovid-19 kuchenesa nzvimbo dzaitengeserwa nevemisika zvisiri pamutemo.

Izvi zviri kuitikawo mumaguta ari munyika, zvichitevera danho rakatorwa nehurumende rekuti misika isiri pamutemo, iparadzwe munguva ino yeLockdown.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG