Accessibility links

Breaking News

Kushupika Koita Kuti Vanotengesa Varambe Vachiita Basa Ravo kuMasvingo


Coronavirus Masvingo 3
Coronavirus Masvingo 3

Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti havasi kuisa zvitanda
munzeve vachiramba kutambira kurudziro yekuti vagare mudzimba dzavo senzira yekudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCoronavirus, asi kuti vari kumanikidzwa kuita izvi nekuoma kwaita hupenyu.

Kubva pakabuda mashoko ekuti chirwere ichi chave munyika uye kuti vanhu vadzivirire kupararira kwacho nekusaenda munzvimbo dzinoungana veruzhinji, vanhu vemuMasvingo vari kuramba vachingoita mabasa avo semazuva ose.

VaEdward Jacob Manzanga, avo vanotengesa mumugwagwa mudhorobha vanoti kurudziro yekuti vagare mudzimba iri kusvika kwavari asi havakwanisi kudaro nekuti vanorarama nekutengesa kuti vawane chekudya nemhuri.

Mumwe mugari, Amai Nyengeterai Bosha, vanotiwo hupenyu hwavo huri parumana nzombe neCoronavirus nekuti vakarega kuenda kubasa kwavanotengesa zvinhu zvavo, vanouraya mhuri nenzara.

Vanochinja mari pamusika mutema, vakaita saVaSamson Mutouro, vanoti kunyange vari kunzwa dzidziso yekuti chirwere ichi chinogona
kutapuriranwa pamari, vari kuramba vachiita basa ravo nekuti ndipo
pane raramo yavo.

Hurumede pamwe nekanzuru yeMasvingo zviri mubishi rekukurudzira vagari kuti vasaende munzvimbo dzeruzhinji dzakaita semisika, mabhawa, dzisvondo nekuti chirwere chinogona kutapuriana.

Gurukota rezvekufambiswa kwemashoko munyika, Amai Monica Mutsvangwa, vakaudza vatori venhau kuti hurumende yakaumba komiti ichaona nezveCoronavirus kuti ibatsire vanhu kurwisa chirwere ichi.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vati kanzuru nhasi yatora danho rekuvhara mabhawa ayo ose kuti vagari vadzivirirwe kuchirwere ichi, uye vari kutarisawo kuvhara misika.

Vanoongorora nezvemagariro evanhu vakazvimiririra, VaGamuchirai
Mukura, vanoti chirwere cheCoronavirus chichanetsa kurwisa nekuti
vanhu vazhinji vanorarama nekutengesa nekudaro matanho ekuti vagare kure nevamwe achanetsa kutambirika.

Vamwe vagari vanoti nekunetsa kuri kuita mvura mudzimba vanoto
manikidzwa kuenda kuzvibhorani uko kunenge kune mitsetse yevanhu vakawanda zvinogona kuita kuti vawane chirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG