Accessibility links

Breaking News

Vagari Vopengera Kanzuru yeMasvingo Iri Kuitira Musangano Wayo kuBulawayo


Masvingo residents

Vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vari kuvira nehasha dzekutsamwira kanzuru yavo iyo iri kuita musangano wemazuva maviri muguta reBulawayo vachiti kuita kwakadai kunoratidza kuti kanzuru yavo haina hany'a nematambudziko ari kusangana nevagari vekuMasvingo.

Vagari ava vari kunyanya kurwadzikana nemari ichashandiswa kubhadhara hotera iri kugara vanhu pamwe nekuitirwa musangano weStrategic
Planning Review, pahotera yeRainbow, muguta reBulawayo, uyo unoda kuvandudza gwaro rayo re Strategic Plan kuitira kuti rienderane negwaro rehurumende idzva reNational Development Strategy 1.

Studio7 yaudzwa nevamwe vane ruzivo kuti mari yekugara chete pahotera iyi, pamwe nekudya kwemangwanani, inodarika zviuru zvinomwe zvemadhora ekuAmerica.

Pamusoro pezvo, vanhu vari kumusangano uyu vari kupihwa mari dzekudya kwemasikati nemanheru odzo dzinosvika muzviuru zvemadhora ekuAmerica.

Studio7 haina kukwanisa kuziva kuti imari yakawanda zvakadii ichashandiswa pahurongwa hwese uhu.

Vakuru vakuru vari kumusangano uyu vari kushandisawo mari yekanzuru kuzadza matangi emafuta ezvikakarara zvemotokari dzavo, inova mari inobva kumitero inobviswa nevagari.

Vamwe vagari vanoti kanzuru yavo yaigona kunge yaitira musangano uyu mumahotera emuMasvingo akachipa yorega kupedza mari yakawanda vanhu vachidira mafuta mumota dzavo idzo dzinodya mafuta akawanda

Mumwe mugari wemumusha weRunyararo West, VaRaymond Muranganwa, vati mari ichabhadharwa mahotera, mafuta emotokari dzevakuru nezvikafu zvichadyiwa mumazuva maviri aya yaigona kushandiswa muzvinhu zvakaita sekutenga mafuta emotokari dzekutakura marara, kuwanisa vanhu mvura nezvimwe zvakasiyana siyana.

Kumusangano uyu kunonzi kune vanhu vanosvika makumi matatu kusanganisira vamwe vanoshanda nekanzuru.

Vagari vanoti mari iyi inogona kushandiswa kuchera zvibhorani zvitatu
sezvo chimwe chete chichiita zviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica, izvo zvaizogadzirisa dambudziko remvura rave nemwedzi yakawanda mune dzimwe nzvimbo dzemuguta reMasvingo.

Mota imweyeTwin Cab inoshandiswa nevakuru ine tangi guru rinosvika marita makumi matanhatu, inoda peturu inosvika madhora makumi masere ekuAmerica, dzikaita motokari gumi dzinoda mari inosvika madhora mazana masere iyo inogona kutenga mafuta emotokari inotakura marara kwemasvondo maviri.

Mumwe mugari wemumusha weRujeko, Muzvare Memory Matambura, vanoti kanzuru iri kupedza mari ichigara mumahotera munofefetera uye vanhu vachidya zvikafu zvinonaka ivo vagari vasina mvura mudzimba dzavo uye migwagwa yakazara nemakomba.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vati hazvisi zvitsa kuitira
misangano yakadai kunze kweMasvingo vachiti vasarudza kure nekuti
vakaitira mudhorobha ravo vanokanganiswa nemabasa anenge achiuya vari mumusangano izvo zvinozoita kuti zvabuda mumusangano zvisave nemusoro.

Asi mukuru wemabasa musangano rinomirira vagari, reMasvingo United Residents and Ratepayers Alliance, MURRA, iro rakakokwawo
kumusangano uyu, VaAnoziva Muguti, vati havana kufarawo nekwaitirwa
musangano uyu vachiti vakatonyora tsamba kukanzuru vachiikurudzira kuti dai yaitira musangano wayo muMasvingo, asi kanzuru haina kutambira izvi.

Kunyange hazvo sangano raVaMuguti rakatumira nhumwa yaro kumusangano wkuBulawayo richiti rakaita izvi richinyunyuta, vamwe vagari vanoti MURRA haifanirwe kutomboonekwa iri pamusangano wakadai unoshandisa mari dzevagari nenzira dzisina musoro.

Vagari ava vanoti zvakaitwa neMURRA zvakafanana nemunhu aonekwa achigota moto wembavha iri kubika nekugocha zvayabira vanhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG