Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMasvingo Pamwe neHurumende Zvoendeswa kuMatare


Masvingo residents
Masvingo residents

Vagari vemudhorobha reMasvingo vaendesa kanzuru yavo, bazi rinoona nezvezvicherwa pamwe nemakambani anochera goridhe mashanu mugomo reTarget Kopje, vachikumbira dare kuti rimisemabasa ekucherwa kwegoridhe sezvo ari kukanganisa dzimba dzavo pamwe nematangi emvura.

Sangano reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance (MURRA), rasvitsa chikumbiro chechimbi chimbi mudare repamusoro richimirirwa naVaPhilip Shumba.

VaShumba vaudza Studio7 kuti kunze kwekukanganisa dzimba nekugara zvakanaka kwevagari, vacheri ava vari kuchera pasi pematangi emvura nekudaro anogona kuwondomoka kukaita mashamu emvura vanhu vakarasikirwa nehupenyu mumusha uri pedyo.

VaShumba vati pamusoro pezvo makambani mashanu anoti Lions Mining
Syndicate, Lions 2, Brossro, Edwards pamwe neGreat Zimbabwe Mining
Syndicates ari kushandisa mishonga yakaipa inogona kuuraya vanhu ikapinda mumatangi emvura.

VaShumba vati vaendesa kanzuru kumatare nekuti ndiyo yakapa mvumo makambani aya.

Vatiwo hurumende yaendeswa kumatare nekuti ndiyo yakapa marezenisi ekuti makambani aya aite basa rawo mumusha wevagari ve Target Kopje
pamwe neHillside.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vati havasati vagamuchira
mapepa abva kudare, asi vati chero paachasvika mumaoko avo havasi
kuzopikisa kudare nekuti vakazoona kuti zviri kuitwa nekambani aya
zvinokanganisa vagari nematangi avo emvura.

Vakafana kubata chigaro chemukuru webazi rezvicherwa muMasvingo,
VaMarshal Muzira, avo vatambira mapepa ekudare, varamba kutaura
neStduio 7 vachiti tibate munyori mubazi ravo kuHarare sezvo
vasingabvumidzwi kutaura nevatori venhau.

Munyori mubazi rezvezvicherwa, VaOnesimo Moyo, vange vasingadairi nharembozha yavo kana kupindura mibvunza yatavatumira.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muMURRA, Muzvare Rumbidzai Magurupira, vati vanotarisira kuti dare richapa mutongo unomisa mabasa ekuchera goridhe munzvimbo dzinogara vanhu.

Nyaya iyi inotasisirwa kunzwikwa mudare kana vamhangarirwa vakapikisa
zviri kudiwa nevagari mukati memazuva gumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG