Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMasvingo Yooneswa Ndondo neVagari


Masvingo Water
Masvingo Water

Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti havasi kufara nedanho rakaitwa nekanzuru yavo rekupa mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, zviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica yekuti vashandise pamakwikwi ekubika chikafu chechivanhu panguva iyo vagari vari kunetsekana nekuwana mvura yakachena.

Vagari ava vanoti mari iyi yaikwanisa kucheresa chibhorani chemvura inoshandiswa nevagari, pane kuti mari iyi ishandiswa pazvirongwa zvinonakira vanhu kwenguva diki.

Vagari vamuguta iri vanoti mari iyi yakashandiswa zvisina maturo uye yaigona kushandiswa kuita zvinhu zvakakoshera veruzhinji zvakaita sekuchera chibhorani kuitira kuti vanhu vave nemwedzi inopfuura mina vasina mvura, vawane mvura yakachena.

Mumwe mugari wekuRujeko, VaEdmore Chinyoka, vanoti mari iyi yakawanda zvekuti yaigona kucheresa chibhorani chikapera vagari vakawana mvura kana kutenga marita emafuta emota anodarika chiuru votakura marara ave nenguva asingatakurwi.

Nyanzvi dzekucherwa kwezvibhorani kumakambani ePote Drilling, pamwe neMasvingo Irrigation Services dzataura neStduio 7 dzati zviuru zviviri
zvemadhora ekuAmerica zvinokwana kuchera chibhorani chakadzika kudarika mamita makumi mana, pamwe nekuisa mapaipi acho kuti chishande mukuburitsa mvura.

Mumwe mugari weku Runyararo West, VaNomore Gwara, vanoti zvinorwadza kuti kanzuru yakapa chipo chakadai ivo vari kutambura kuwana zvikwanisiro zvakawanda kubva kwairi kunyanya mvura.

VaGwara vanoti dai kanzuru yakashandisa mari iyi kugadzirisa mishina
yekupomba mvura iyo yachembera uye inogara ichifa nekuti makwikwi
ekubika chikafu chechivanhu haana zvanobatsira vagari pakufambiswa
kwemabasa ekanzuru.

Munyori wekanzuru muMasvingo, VaEdward Mukaratirwa, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti inoda meya pachavo sezvo ivo vaita mutete.

Meya weMasvingo, VaCollen Maboke, vatsika tsika panyaya iyi vachiti
vakange vasipo pamusangano wakabuda nechisungo ichi, asi vabata vebazi rezvemari vachiti harisati rabhadhara mari iyi iyo yakakumbirwa kanzuru yakaitwa nehofisi yemudzimai wemutungamiri wemunyika.

Asi mukuru webasa musangano rinomirira vagari reMasvingo United
Residents and Rate Payers Alliance, VaAnoziva Muguti, vati vane
humbowo hwekuti kanzuru yakaita chisungo chekuti bazi rezvemari
ribhadhare mari iyi nekudaro havasi kufara nazvo.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri wemhuri yekutanga, VaGeorge
Charamba, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nhare yavo
yanga isiri kubatika.

Asi vamwe vagari vanoti vanoshamiswa zvikuru kuti hofisi yemudzimai wemutungamiri wenyika inokumbira makanzuru ari kutatarika mari yekuita zvirongwa zvisina kukoshera vagari vekuMasvingo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG