Accessibility links

Breaking News

Masoja neMapurisa Opomerwa Mhosva yeKurova Vamwe Vagari veMuChinhoyi


Vamwe vagari vemuChinhoyi vari kupomera masoja nemapurisa mhosva yekuvarova zvakaipisisa neChitatu manheru.

Vachitaura neStudio 7, VaTinashe Musandami vati vakarohwa muviri wose kusanganisira mumusoro vakarara pasi. Vanoti vakarohwa vari pamba pavo nemasoja ane chitsama.

VaMusendami vanoti pavairohwa vainzi vainge varegedza vanhu vachirova
mapurisa mumusha weveruzhinji weGadzema. Vanoti kunyangwe vakanomhan’ara nyaya yavo kumapurisa epaChemagamba manheru iwayo, hapana matanho akatorwa.


Asi vati nemusi weChina vanoti vakazoenda zvekare kunomhan’ara nyaya yavo iyo yanyorwa mubhuku iri nhamba RRB 4463526. Mumwe akarohwa ari pamba pake ndiVaRodger Mugande vemuGadzema avo vanoti vari kutya kuno mhan’ara kumapurisa.

Mutauriri wemauto Lieutenant-Colonel Alphios Makotore vati havana chekutaura nezvenyaya iyi vakati titaure nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West VaIan Kohwera vati havasati vataurirwa nezvenyaya iyi asi vakurudzira vose vakarohwa kuti vaende kunomhan’ara kumukuru wemapurisa pakamba yeChemagamba kuti pakwanise kuferefetwa kuti chii chakaitika.


Kurohwa kwevanhu muChinhoyi kunouya apo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuuya kuzopfekedza nguwani dzedzidzo kuvanhu vakapedza zvidzidzo zvavo pachikoro cheChinhoyi Unuversity of Technology kana kuti CUT neChishanu.

Mune imwewo nyaya, masangano anomiririra vatori venhau ashoropodza hurongwa hwechikoro chikuru cheCUT hwekuendesa mazita evatori venhau kubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika kuti vabvumirwe kuita basa ravo kana VaMnangagwa vasvika paCUT.

Munyori mukuru weZimbabwe Union of Zimbabwe VaFoster Dongozi vati zviri kuitwa kutyora kodzero dzevatori venhau sezvo vaine marezinesi kare.

Izvi zvatsinhirwa nemukuru weMedia Institute of Southern Africa-MISA-VaTabani Moyo.

Patabvunza mutevedzeri wemutauriri weCUT VaZacharia Pumhayi kuti zvekuendesa mazita kuti anoongororwa zvakatanga rinhi, vati vanoshanda vachiudzwa zvekuita nevanhu vavasina kudoma.


Vadzidzi vakapedza zvidzidzo vepaCUT ava vari kupfekedzwa nguwani dzedzidzo vakawanda vavo vari kumba zvichitwa padandemutande sezvo pari kutyirwa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG