Accessibility links

Breaking News

Amai Mliswa Chikoka Vokurudzira Kusungwa kweVanhu Vanoita Huori Munyaya dzeKutengeswa kweMasitendi


Amai Mliswa-Chikoka Mashonaland West

Imwe nhengo huru muhurumende yabvuma nhasi kuti vashandi vehurumende pamwe nevamwe vanhu muZanu PF vari kutengesa nzvimbo dzekuvakira zvisiri pamutemo, nokudaro vanofanirwa kusungwa nemitemo yenyika.

Vachitaura paCooksey Hall muChinhoyi pamusangano wavaita
nevakuru vemapazi ehurumende, gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Mliswa-Chikoka, vati mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havasi kufara negwaro reongororo yezvekushandiswa kwenzvimbo dzehurumende iro rakaburitsa pachena kuti nhengo dzebato reZanu PF nevashandi vehurumende vari kuita zvehuori munyaya dzekuwanisana pekugara.

Amai Mliswa-Chikoka vaudza mapurisa kuti vave nebasa rekusunga wose
ari kuita kana akaita zvehuori pasina kutarisa kumeso.

Amai Mliswa Chikoka vakurudzira vematare kuti vaite basa ravo nemazvo kuitira kuti mutemo ubate wose akaita zvehuori.

Amai Mliswa-Chikoka vati vose vakawana nzvimbo kubva kuhurumende kana kumakanzuru dzekuvakira dzimba zvechitsotsi, vanofanirwa
kusungwa.

VaMnangagwa vakaumba komisheni yakaongorora kupihwa kwaiyitwa nzvimbo dzehurumende mumakanzuru pamwe nekutambira zvichemo zvevanhu vainge vatenga nzvimbo dzekugara asi votadza kudziwana.

Konisheni iyi yaive nemutongi wedare repamusoro, Justice Tendai Uchena, sasachigaro wayo.

Ongororo yaVaUchena inoti muChinhoyi pane nzvimbo yeDestiny iyo
yakapihwa VaObediah Musindo vanotsigira bato reZanu PF avo
vakatengesera vanhu nzvimbo dzekugara asi kusvika nanhasi vanhu ava
havasati vapihwa pekugara kunyange vakabhadhara mari yavainge vanzi
vabhadhare.

Imwe nhengo yevechidiki yeZanu PF, VaMike Chimombe, vakapihwa nzvimbo yekuvakira dzimba asi kusvika pari zvino hapana chakavakwa asi vanhu vachiti vakabhadhara mari dzavo.

Asi VaChimombe vati vakapedza kubhadhara nzvimbo iyi vangomirira
kuvaka dzimba dzavo.

KuChitungwiza, imwe nhengo yeZanu PF, Dr Fredrick Mabamba, vemushandira pamwe wedzimba weUnited Westand Housing Cooperative, vakasungwa nebazi rezvekudzivirirwa kwehuori masvondo matatu apfuura vachipomerwa mhosva yekupa vanhu nzvimbo dzekuvaka dzimba zvisiri pamutemo.

Muguta reNorton, kambani yeBeyond Reality yenhengo yeZanu PF
yeConsultative Assembly, VaJimayi Muduvuri, iri kunetsanawo nevechidiki
pamusoro penzvimbo inosvika mahekita mazana maviri inofanirwa kuvakirwa dzimba iyo iri mumatare edzimhosva.

Vechidiki ava, avo vakabhadhara mari asi havana kuzopihwa nzvimbo
dzekuvakira dzimba, vave kunzi mari inofanirwa kuwedzerwa.

Mashoko aAmai Mliswa-Chikoka anouya apo vaimbove gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, vari kumiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomherwa mhosvo yekusashandisa hofisi yavo zvakanaka vachiita zvehuori munyaya dzekupa vanhu nzvimbo dzekugara.

Hatina kukwanisa kubata munyori wezvematunhu mubato reMDC Alliance, VaSesil Zvidzai, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.

Asi mutevedzeri mumutauriri webato iri, VaClifford Hlatywayo, vanoti Zanu PF haikwanise kugadzirisa nyaya yevanhu vakawana nzvimbo dzekuvakira zvisiri pamutemo kana kuti ma Land Barons sezvo nhengo dzayo dziri idzo ma land barons.

Gwaro rekomisheni yaVaUchena rinoti pane huori hwemhando yepamusoro hwakaitika pakupihwa kwenzvimbo dzekuvakira dzimba mumaguta akawanda munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG