Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Vanoda Kuwedzerwa Mari Dzavanotambira


Sangano revarairidzi re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti harisi kuronga kuramwa basa panovhurwa zvikoro svondo rinouya sezvaburitswa nemamwe masangano enhau.

Asi sangano iri rinoti riri kuita hurukuro nehurumende kuitira kuti iwedzere varairidzi mari dzemihoro.Varairidzi vari kuda mari inoita US $600 pamwedzi.

Rimwe sangano revarairidzi re Zimbabwe Teachers Association rinotiwo riri kutarisira kuti varairidzi vawedzerwe mari gore rino kuitira kuti vakwanise kufambisa basa ravo nemazvo.

Zimta inotiwo inoda mihoro inoenderana ne Poverty Datum Line kana kuti mari inokwanisa kuraramisa mhuri yevanhu vatanhatu pamwedzi. Pari zvino mari iyi iripa US$552.

Mutungamiri wePTUZ, Va Takavafira Zhou, vanoti vanotarisira kuti hurukuro dzavari kuita nehurumende, dzichabudirira zvakanaka.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, kuti hurumende ichakwanisa here kubhadhara mari iri kudiwa nevarairidzi.

XS
SM
MD
LG