Accessibility links

Breaking News

Masangano emuAmerica Ozeya Nyaya yeSarudzo dzemuZimbabwe


Sarudzo dzekutanga pasina VaRobert Mubage namushakabvu Morgan Tsvangirai
Sarudzo dzekutanga pasina VaRobert Mubage namushakabvu Morgan Tsvangirai

Masangano emuAmerica anoti reNational Endowment for Democracy kana kuti NED nereInternational Republican Institute kana kuti IRI akabanata nemamwe masangano akazvimirira akaita musangano muWashington DC kuzeya mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe pamberi pesarudzo dziri kuitwa mwedzi uno uya musi wa 30.

Musangano uyu wakaitirwa kumahofisi eIRI. Vamwe vakataura pamusangano uyu igweta uri vari chipangamazano paReagan-Fascell paNational Endowment for Democracy Doctor Alex Magaisa.

Doctor Magaisa vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vane vari kuvakwikwidza vakasimba vakaita saVaNelson Chamisa veMDC Alliance uye amai Joice Mujuru weNational People’s Rainbow Coalition.

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pane vari kukwikwidza Doctor Magaisa vati VaChamisa vanogona kukunda kana sarudzo dzikasabirirwa. Vamwe vakataura pachiitiko ichi vanosanganisa Amai Imani Countess veSolidarity Centre, VaPatrick Merloe Vendi vakataura nyaya yemamiriro akaita zvinhu munyaya yesarudzo vachikokerwa naAmai Natalie kay vanoshanda neNED.

Mumwe musangano waitarisa zvichaitika sarudzo kana dzapera wainge uina Doctor Ibbo Mandaza veSapes Trust, VaLars Benson ve centre for International Private Enterprise, Doctor Magaisa uye VaThomas Hastings bazi reState Department muAmerica.

VaHastings vakati vanoda kuona zvinhu zvichishanduka munyaya dzezvehupfumi, zvematongerwo enyika uye kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu sarudzo dzisati dzaitwa. Vakati havo vari kuona kunge zvimwe zviri kuenda zvichiita nani.

Musangano uyu waikokerwa naMuzvare Irene Petras gweta uye vaimbove mukuru weZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG