Accessibility links

Breaking News

Musangano wekuVienna Wozeyiwa neNyanzvi dzeHutano


Masangano ekuZimbabwe anorwira kodzero dzevanhu vari kurarama ne HIV/AIDS anokurudzirwa kusunga dzisimbe panyaya yekurwisana nekupararira kweHIV.

Kurudziro iyi inouya mushure memusangano we 18th International Aids Conference, uyo uchangopera muVienna kuAustria.

Musangano uyu hauna kubuda nezvisungo zvakasimba panyaya yemari yekubatsira nyika dzinotambura yekurwisa HIV/AIDS.

Nyanzvi munyaya dzevanorarama neHIV/AIDS, VaFrenk Guni, vanoti masangano akazvimirira anofanirwa kuona kuti achashanda seyi sezvo mari zhinji dzanga dzakatarisirwa kuiswa muzvirongwe zveHIV/AIDS, dzisisiri kuuya.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano wekuVienna svondo rapera, vaimbove mutungamiri weAmerica, VaBill Clinton, vakati mari dzakawanda dziri kuperera mukuita misangano nekufamba, zvirongwa zveHIV/AIDS zvichisara zvisina mari dzakakwana.

Pamusangano uyu, masangano akawanda akaratidza kusafara nedanho rakatorwa neAmerica rikasapa mari yayakanga yavimbisa kupa zvirongwa zveHIV/AIDS.

Asi VaClinton vakati hurumende yenyika yavo yakanga yavimbisa kubatsira nemari iyi isati yawirwa nedambudziko rekuparara kwehupfumi, iro rakasiya nyaya dzakawanda dzisisagone kuzvibatsira.

XS
SM
MD
LG