Accessibility links

Breaking News

VaMaguwu Vanonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Mutongi wedare redzimhosva, Va Donald Ndirowei, vanyima mutungamiri we Centre for Research and Development, Va Farai Maguwu, mukana wekubvisa mari yechibatiso, vachiti Va Maguwu munhu angangove akapara mhosva huru.

Izvi zvinoreva kuti VaMaguwu vacharamba vari mutirongo kusvika nyaya yavari kupomerwa yapera kutongwa. Asi magweta ari kumirira VaMaguwu anoti achapikisa mutongo wedare uyu.

Dare iri raturawo mutongo wekuti nyaya yanga ichipomerwa vaimbove mumiriri we St Marys muparamende, uye vari vakafanobata chigaro chemutungamiri we MDC 99, Va Job Sikhala, iraswe. Dare rati VaSikhala hava kutyora mutemo apo hutungamiri hwebato ravo rwakaita musangano mwedzi wapera. Vti mutemo unobvumidza misangano yehutungamiri hwemapato kuita misangano iyi.

Ukuwo masangano akazvimirira ega pasi rose anoti haawirirani nenhumwa ye Kimberly Process mu Zimbabwe, Va Abbey Chikane, pakuti mangoda eZimbabwe ekwa Marange ava kukodzera kutengeswa nekuti Zimbabwe iri kutevedzera zvinodiwa nesangano iri.

Masangano aya anoti pachine huoro pakutengeswa kwemangoda muZimbabwe, uye kodzero dzevanhu dziri kutyorwa nehurumende kwaChiadzwa.

Masangano e Global Witness ne Human Rights Watch mamwe emasangano ari kushoropodza Va Chikane pagwaro ravakanyora iri.

Global Witness inoti Kimberly Process inofanira kumbomisa Zimbabwe kuva nhengo yayo nekuti vanhu vachiri kudzvanyirirwa uye mari yacho haisi kuenda muhomwe yenyika asi muhomwe dzevashoma.

Human Rights Watch yatsigirawo mashoko eGlobal Witness. Va Paul Rumema-Chimhosva vanoongorora nyaya dzezvematongerwe enyika. VaChimhosva vanoti MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inofanira kuratidza kuti ine meno panyaya yemangoda kwete kuramba yakanyarara nyika zvinhu zvichiipa.

XS
SM
MD
LG