Magweta aMuzvare Marry Mubaiwa, mudzimai wemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Retired General Constantino Chiwenga, vatura mapepa kudare repamusoro reHigh Court neChitatu vachida kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.
Muzvare Mubaiwa, avo vanonzi vari kunetsana nemurume wavo akavaroora pachivanhu, VaChiwenga, vari kupomerwa mhosva yekuda kuuraya VaChiwenga apo vairwara muchipatara chekuSouth Africa.
Vanonziwo vakaburitsa mari zvisiri pamutemo inosvika mamiriyoni maviri ekuAmerica uye kuita zvehuori kumasangano akasiyana siyana avaishanda navo kusanganisira retsvarakadenga kana kuti Miss Zimbabwe uko vanonzi vaiba motokari.
Imwe mari iyi inonzi yakatengeswa imba panhamba 1309 Kingstone Heath Close, Waterkloof Golf Estate, Pretoria, South Africa.
Imba iyi inonzi iri muzita rekambani yavo inonzi LaChelle Travel and Tours Pvt.
Vachuchusi venya iyi uye mutikitivha ari kuiferefeta, VaVictor Masimba, vanoti Muzvare Mubaiwa vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vanogona kutiza munyika.
Asi gweta raMuzvare Mubaiwa, VaTaona Nyamakura, vanoti zvose izvi ndezvemugotsi matsuro vachiti pane mukana wakakura wekuti Muzvare Mubaiwa vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Mumagwaro avo ari mudare, Muzvare Mubaiwa vari kuti hapana mhosva yavakapa, kunyange hazvo vari kuomeserwa sezvo vari mutete munyaya dzematongerwo enyika.
Vanotiwo kana hurumende iine humbowo hwakati tsvikiti hwekuti vaida kuuraya murume wavo kuSouth Africa, seyi VaChiwenga vakaudza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vaone kuti ivo Muzvare Mubaiwa vaenda kuChina kunoona murume wavo uko airapiwa.
Vanotiwo vakapihwa naVaMnangagwa mari inoita zviuru makumi matatu zvemadhora ekuAmerica semari yekushandisa vari kuChina kwaive nemurume wavo.
VaChiwenga vakadzoka munyika musi wa 23 Mbudzi vachibva kuChina. pavakazvika panhandare yendege muHarare, pakanga pasina vakuru vakuru muhurumende vaivepo kuti vavatambire, izvo zvakapa kuti pave nemutauro mukuru.
Facebook Forum