Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri VaConstantino Chiwenga, Muzvare Marry Mubaiwa, vachatamba kisimusi vari mujeri zvichitevera kutadza kunzwikwa kwechikumbiro chavo mudare repamusoro chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Musungwa ari kupomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wake pamwe nekuburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.
Kunzwikwa kwechikumbiro ichi kwatadza kuenderera mberi mudare repamusoro sezvo gweta rehurumende, VaLovet Masuku, vaudza dare kuti havasati vawana zvinyorwa zvinoratidza mafambisirwo akaitwa nyaya iyi mudare ramejasitiriti kana kuti record of proceedings.
VaMasuku vati vakasungwa mbira dzakondo nekusavepo kwemagwaro aya sezvo magwaro aya ariwo anofanira kupenengurwa nedare repamusoro.
Izvi zvatsinhirwa negweta raMuzvare Mubaiwa, VaTaona Nyamakura.
Mutongo wedare repamusoro, VaWebster Chinamhora, vati chikumbiro ichi chizonzwikwa mudare musi wa 27 Zvita kuitira kuti vekudare ramejasitiriti vapihwe mukana wekugadzira magwaro aya.
Izvi zvinoreva kuti Muzvare Mubaiwa vachitamba zororo reKisimusi vari mujeri reChikurubi rinochengeterwa vanhukadzi.
VaNyamakura vaudza Studio7 vari kushushikana nekurwara kunonzi kuri kuita Muzvare Mubaiwa vari muhusungwa.
Magweta aMuzvare Mubaiwa akaudza dare ramejasitiriti neMuvhuro kuti musungwa akakanganisika hutano hwake pakaputitswa bhambu kuWhite City Stadium kuBulawayo pamusangano wakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevatsigiri vavo pamberi pesarudzo dzegore rapera.
Muzvare Mubaiwa, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wavo paaiva muchipatara kuSouth Africa muna Chikumi, vanonzi vakabvisa zvaishandiswa nanachiremba muchipatara cheNetcare Hospital kuSouth Africa avo vaiyedza kuraramisa VaChiwenga avo vanonzi vairwara zvakaipisisa.
Muzvare Mubaiwa vanonziwo vakatora zuva rese vachirambidza murume wavo kubuda mune imwe hotera iri kuPretoria muSouth Africa kuti aende kuchipatara.
Mapepa ari pamberi pedare anoti VaChiwenga vakazokwanisa kuenda kuchipatara mushure mekunge vanovachengetedza vashandisa chisimba kuti VaChiwenga vakwanise kubuda muhotera iyi vanorapwa kuchipatara cheNetcare ichi.
Muzvare Mubaiwa vari kupomerwa zvakare mhosva yekuburitsa munyikazvisiri pamutemo mari inodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mapfumbamwe zvemadhora ekuAmerica.
Mapepa ari pamberi pedare anotiwo Muzvare Mubaiwa vakatenga dzimba mbiri nemotokari nhatu dzemhando yepamusoro kuSouth Africa kwakare mushure mekuburitsa mari iyi zvisiri pamutemo.
Vari kupomerwawo zvakare mhosva yekunyepera mukuru wevatongi munyika, kana kuti judge president, VaGeorge Chiweshe, kuti vakange vabvumirana nemurume wavo kuti vachate iye murume wavo aine hurwere.
Vachuchisi venyaya iyi vanoti kunyepa kwavakaita kuna VaChiweshe kwakakonzera kuti mukuru wemamejasitiriti, VaMunamato Mutevedzi, varonge kuchatisa vaviri pamuchato usina kuzobudirira.
Asi Muzvare Mubaiwa vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.
Mumagwaro ekupikisa nyaya dzavari kupomerwa, Muzvare Mubaiwa vanoti kana chiri chokwadi kuti vaida kuuraya murume wavo, seyi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavapa mari inoita zviuru makumi matatu zvemadhora ekuAmerica kuitira kuti vaende kuChina kunoona murume wavo.
Muzvare Mubaiwa vanoti VaMnangagwa vakavapa mari iyi mushure mekunge vaudzwa naVaChiwenga kuti vaite izvi.
VaChiwenga vakazodzoka munyika masvondo mashoma adarika mushure mekuzoendeswa kuChina uko kwavakazopedzisira kurapwa.
VaChiwenga vakazokonzeresa kusungwa kwemudzimai wavo pavakadzoka munyika uye vakatokwira kudare repamusoro vachida kuti vagovaniswe pfuma yavo nemudzimai wavo.
Zvichakadai, dare ramejasitiriti rakati Muzvare Mubaiwa vadzoke kudare musi wa30 Zvita pakatarisirwa kuenderera mberi kwenyaya dzavo.
Facebook Forum