Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orova Nhengo dzeMDC Mushure Mekuramba Kuremekedza VaMnangagwa muDare


VaEmmerson Mnangagwa

Mapurisa nevasori nemusi weChina vakarova nhengo dzebato rinopikisa reMDC muparamende mushure mekunge dzaramba kusimuka senzira yekupa ruremekedzo kumutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vange vauya kudare iri uko kwange kuchiturwa bhajeti ra2019.

Nhengo dzeMDC dzine chitsama dzarohwa nemapurisa nevasori vamwe vakabvarurirwa zvipfeko zvavo pabongozozo ramuka mushure mekunge mututauriri wedare iri, VaJacob Mudenda vadzinga mudare dzimwe nhengo dzeMDC nenyaya yekusaremekedza mutungamiriri wenyika avo vange vauuya kuzonzwa bhajeti.

Paramba kubuda nhengo idzi ndipo pazosheedzwa mapurisa mudare kuti adziburitse nechisimba izvo zvapikiswa nedzimwe nhengo dzeMDC kudzamara nhengo dzese dzebato iri dzadzingwa mudare.

Kutaura kudai nhengo nhatu dzeMDC dzechidzimai dzinoti Muzvare Tabitah Khumalo, Amai Lynnete Karenyi Kore naMai Memory Mbondiya dzaendeswa kune chimwe chipatara kwadziri kurapwa mushure mekurohwa nemapurisa nevasori.

Vanokokera nhengo dzeMDC muNational Assembly, VaProsper Mutseyami avo vakarohwawo, vaudza Studio 7 kuti vatatu ava vakuvara zvakaipisisa.

Vamwewo vakarohwa vakabvarurirwa hembe yavo ndivaAmos Chibaya vanomiriria Mkoba avo vanoti zvaitika zvinoratidza huipi hwehurumende yaVaMnangagwa.

Vamwewo vakarohwa mumiriri weHighfield East VaEric Murai naVaShakespear Hamauswa vanomirira Warren Park.

Vanomirira Mutasa Central, VaTrevor Saruwaka, vati zvinosuwisa kuti nhengo dzeparamende dzinorohwa nekudzingwa muparamende nekuti dzatadza kuremekedza munhu wadzinoti akabirira sarudzo.

VaMutseyani vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinoshushikana zvikuru nekupinda kwemapurisa nevasori mudare vachiti vachagara pasi naVaMudenda kuti vaone kuti izvi zvazviitike zvekare.

Asi nhengo yeZanu-PF VaKindness Paradza vashora zvikuru zvaitwa nenhengo dzeMDC idzi vachiti kuzvidza dare.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gore rapera mapurisa akapinda mudare iri zvekare akarova nhengo dzeMDC uye kusvika pari zvino VaMudenda havasati vatura kudare iri zvakubuda muongororo yavo pane zvakaitika panguva iyi.

Zvichakaida gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakazotura bhajeti nhengo dzeZanu PF chete sezvo nhengo dzeMDC dzange dzadzingwa mudare. Asi VaMutseyami vati zvaitika nhasi hazvisi kuzovatadzisa kuzeya bhajeti ra2019 uye vachapinda misangano yese ine chekuita nebhajeti regore rinouuya.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG