Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orambidza ZCTU Kufora Pazuva reVashandi


Mapurisa ari kuenderera mberi achirambidza misangano pamwe nekusunga vanhu vanopikisana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nebato ravo reZANU-PF.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe vakatomboyambira VaMugabe kumusangano weSADC Troika kuZambia kuti vakatonga nedemo vanhu vanogona kuguma voratidzira.

Asi mapurisa ekwaMutare nekuKwekwe vakarambidza sangano reZCTU kuti rifore pamhemberero yaro yezuva revashandi. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti sangano reJoint Operation Command ndiro riri kutungamira hurongwa hwekurambidza vanhu kuratidzira.

Pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, JOC inofanira kunge isisashande asi VaMugabe vachiri kuishandisa.

Makurukota maviri anoona nezvemukati menyika, Amai Theresa makone veMDC-T naVaKembo Mohadi veZanu-PF vati havana ruzivo nezvekurambidzwa kwemisangano yeZCTU.

Mutevedzeri wemunyori mukuru wesangano reZCTU. VaJaphet Moyo, vati maitiro emapurisa anoodza moyo.

Zvichakadaro, dzimwe nhengo mbiri dzebato reMDC dzakasungwa nemapurisa kuBulawayo mushure mekunge dzaramba kuisa runyorwo kana kuti kusaina pagwaro renyunyuto reZANU-PF rinoshoropodza zvirango.

MDC inoti mumwedzi mina yapfuura nhengo dzayo dzinodarika zana dzakambosungwa nemapurisa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti Zimbabwe haisi kutevedzera kurudziro yeSADC.

XS
SM
MD
LG