Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oongorora Moto Wapisa Chimwe Chivakwa muHarare


Agribank Mall Burnt

Vemabhizimisi madiki varasikirwa nezvinhu zvinokosha mazana nemazana ezviuru zvemadhora mushure mekunge moto wapisa zvitoro nemisika paAgribank Mall muHarare nhasi mambakwedza.

Moto uyu unonzi watanga panguva dzekuma2 mangwanani ukazodzimurwa kuma8 uye hapana kana chaburitswa kubva muzvitoro nemusika uyu uri pamigwagwa inoti Robert Mugabe Ave naChinyoyi Street.

Vakafanobata chizvimbo chemutauriri wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende, vaudza Studio 7 kuti bandiko rekanzuru rinoona nezvemoto, reFire Brigade, richiri kuongorora kuti chii chakonzera moto uyu.

Vati pasvika Fire Brigade, mudhuri nezvinhu zvange zviri mukati zvange zvatotsva.

VaRuwende vaudza Studio 7 kuti zvinoita sokuti moto uyu watangira mukati chaimo uye pawazowonekwa zvinhu zvese zvange zvatoparara.

VaRuwende vanoti Fire Brigade yaudzwa nezvemoto uy

u na0042hrs ikasvika panzvimbo iyi na0047hrs kusvika kuma8 apo vazodzima nekudzivirira kuti moto uyu usaende kune zvimwe zvitoro.

VaFrancis Choto avo vanochengetedza zvimbo iyi vanotsangura kuti vafonerwa nezvemoto uyu asi pahapana chavakwanisa kuita pavasvika.

Vamwe vanochengetedza chitoro chiri pedyo, neAgribank Mall, vaona kutsva kwenzvimbo iyi, varamba kudomwa nezita, vaudza Studio 7 kuti moto wacho wange une simba zvekuti hapana zvavaikwanisa kuita.

Amai Linda Huni vaudza Studio 7 kuti vafonerwa kuma5 mangwanani kuti chitoro chavo change chave kutsva uye vasvika zvinhu zvese rave dota.Vati zvaitika izvi zvaparadza hupenyu hwavo nemhuri yavo. Vamwewo Amai vasina kuda kudomwa nezita, vaudza Studio 7 kuti vawana chitoro chavo chave dota chete.

Pasvika Studio 7, vanoongorora nezvemoto kubva kukanzuru, ZESA nevamwe vange vari mushishi kuongorora kuti chingave chii chakonzera moto uyu.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner, Paul Nyati, vanoti chakonzera moto hachisati chazikanwa uye hapana munhu akuvara kana kufa.

Mutauriri weZESA, VaFullard Gwasira vaudza Studio 7 kuti havana zvizhinji zvavangataura nezvemoto vachiti vachiri kuita ongororo yavo.

Nzvimbo yatsva iyi yange iine zvitoro gumi nechimwe nematebhuru ekutengesera makumi mashanu nemanomwe emafleamarket.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG