Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Haasati Apa Va Mare Masamanisi


Va Mare inhengo yekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa iri kuongorora nyaya yemangoda ekwa Marange. Va Mare vati ivo semunhu asina chaakakanganisa havasi kutya mapurisa nekuti ravo basa nderekurwira kuti chokwadi chibude pachena munyaya yezvicherwa zvenyika

Mapurisa anonzi haasati apa mumiriri we Chiredzi South mudare reparamende, Va Moses Mare, masamanisi ayo vaida kuvapa nezuro.

Va Mare inhengo yekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa iri kuongorora nyaya yemangoda ekwa Marange. Va Mare vati ivo semunhu asina chaakakanganisa havasi kutya mapurisa nekuti ravo basa nderekurwira kuti chokwadi chibude pachena munyaya yezvicherwa zvenyika.

Zvichakadaro, mukuru we Centre for Research and Development kwaMutare, Va Farai Maguwu, vanoti vanofadzwa nemashoko emutungamiriri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, avo vakashora zvikuru huori huri kuitwa munyaya dzezvicherwa.


XS
SM
MD
LG