Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Otsvaga VaMaguwu Pamusoro peGwaro Ravakaburitsa


Asi VaChikane vasati vabuda munyika, mapurisa ekwaMutare anga achitsvaga mukuru we Centre for Research and Development, Va Farai Maguwu, mushure mekunge vaburitsa gwaro rinoratidza kuti mangoda anosvika zviuru zviviri zvemakaratsi are kubiwa zuva rega rega kwaMarange

Nhumwa yeKimberly Process muZimbabwe, Va Abbey Chikane, vapedza ongororo yavo muZimbabwe neChishanu mushure mekusangana nevanomirira masangano akazvimirira ega munyika.

VaChikane vachanyora gwaro richaenda kuKimberly Process pamusoro pezvavakaona panyaya yemangoda. Vari munyika VaChikane vakati Zimbabwe iri kutevedzera zvinodiwa pamitemo yemangoda, zvokuti inogona kupihwa mvumo yekutengesa mangoda.

Asi VaChikane vasati vabuda munyika, mapurisa ekwaMutare anga achitsvaga mukuru weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, mushure mekunge vaburitsa gwaro rinoratidza kuti mangoda anosvika zviuru zviviri zvemakaratsi ari kubiwa zuva rega rega kwaMarange.

Gwaro iri rakapihwa VaChikane pakushanya kwavo.

Mapurisa anonzi akaenda kumahofisi kwaVa Maguwu neChina uko akatora mapepa kubva muhofisi yavo. Mapurisa akazoenda kumba kwaVaMaguwu uko akavashaya, asi akatora munin’ina wavo, Reason, ndokuenda naye.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Blessing Nyamaropa, vati vaenda kumapurisa neChishanu kunoona Reason, asi mapurisa aramba kuti vakamusunga.

VaNyamaropa vanoti vava kufunga kuenda kumatare edzimhosva kuti vamanikidze mapurisa kuti vataure kwavamuisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumapurisa kuti tinzwe divi ravo.

XS
SM
MD
LG