Accessibility links

Breaking News

Mapazi eHurumende Onakurirana Nyoka Mhenyu neSakunda paMabhiriyoni eCommand Agriculture Akatsakatika


Mukuru weGMB VaRockie Mutenha
Mukuru weGMB VaRockie Mutenha

Grain Marketing Board (GMB) nhasi yaudza komiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende yePublic Accounts Committee (PAC) kuti yainge isineyi nechekuita nechirongwa chehurumende cheCommand Agriculture ichiti Sakunda Holdings ndiyo yaitungamira chirongwa ichi.

Izvi zvinopokana nezvakataurwa neveReserve Bank of Zimbabwe, bazi rezvemari nebazi rezvekurima avo vakaudza paramende kuti GMB ndiyo yakapihwa mari yechirongwa cheCommand Agriculture.

Komiti yePAC iri kuongorora mashandisirwo akaitwa mabhiriyoni emadhora nehurumende pachirongwa cheCommand Agriculture zvisina mvumo yeparamende.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muGMB, VaClemence Guta, vaudza PAC, kuti basa reGMB raive rekuchengeta nekupa varimi mbeu, fotereza nezvimwe zvaishandiswa pachirongwa icho vati chaitungamirwa neSakunda Holdings.

Asi sachigaro vekomiti iyi, VaTendai Biti, nevamwe vavo varatidza kusafara nemhinduro iyi vachiti semuenzaniso, vaive munyori mukuru mubazi rezvemari, VaRingison Chitsiko, vakaudza komiti yavo kuti vainge vasingazive kuti mari inosvika mamiriyoni mazana masere nemakumi mana nemanomwe yakapihwa nehurumende kutsigira mabasa ekurima muna 2017 yainge yashandiswei vachiti GMB ndiyo yaiziva kuti mari iyi zvakaitika.

Asi VaGuta pamwe nevakafanoba chigaro chemukuru anoona nezvemari muGMB, Amai Constansia Dzenga, vati havana chavanoziva pamusoro penyaya iyi vachiti ivo vaingo tambira mbeu nefotereza zvaiuyakumatura avo vachizviendesa kuvarimi.

Vati havana kana gwaro ravakasaina reCommand Agriculture vachiti Sakunda, nechikamu chaiona nezveCommand Agriculture mubazi rezvekurima ndivo vaiziva zvaitika.

Amai Dzenga vati nekuda kwaizvozvo havatomboziva kuti zvinhu zvavaichengeta zvaiita marii sezvo zvange zvisiri zvinhu zvavo.

Panyaya yekuti GMB yakapihwa mari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu kana kuti $1.3 billion muna 2017 na2018 kuti itsigire mabasa ekurima, VaGuta vati pane musiyano pamari dziri kutaurwa idzi pamwe nedzavakawana.

Amai Dzenga vatiwo semuenzaniso muna 2018 vakapihwa mamiriyoni mazana mapfumbamwe kana kuti $900 million kwete bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu kana kuti $1.3 billion iri kutaurwa.

Imwe nhengo yekomiti iyi, VaMarko Raidza vati zvinonetsa kutambira zvinoitaurwa nevakuru vakuru veGMB pasina humbowo.

Asi VaBiti zviri kutika kuGMB ishura chairo uye zviri pachena kuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo mukambani iyi.

Vati komiti yavo inogona kuti kambani iyi iongororwe zvakanyanya kana kuti Forensic Audit nekuti zvinhu hazvisi fambiswa negwara chairo.

Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzati kuti nyaya iyi inatsobuda pachena, GMB, RBZ, bazi rezvemari pamwe nerekurima vanofanirwa kubvunzurudzwa pamwe chete kuti pasaite kukandirana nyika mhenyu.

Pane mari inodarika mabhiriyoni mapfumbabwe emadhora yakashandiswa zvisvina mvumo yeparamende pachirongwa cheCommanda Agriculture uye PAC iri kuita ongororo yekuti marii iyi yakashandiswa sei.

Kambani yeSakunda inotarisirwa kumira pamberi pekomiti iyi munguva pfupi inotevera.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG