Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Zvokandirana Nyoka Mhenyu paMhirizhonga yekuEpworth


Mapato eZanu-PF neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai ave kupumhana huroyi panyaya yemhirizhonga yakaitika kuEpworth nemusi weSvondo.

MDC inoti vatsigiri veZanu-PF vakarova vatsigiri vayo, avo vaiita musangano wezvekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika paEpworth High School.

MDC inoti sachigaro weZanu-PF mudunhu reHarare, VaAmos Midzi, ndivo vakaronga izvi. Asi Va Midzi vakaudza bepanhau reHerald kuti aya manyepo.

Studio7 haina kukwanisa kubata Zanu-PF pamwe nemapurisa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi mutauriri weMDC muHarare, VaWillas Madzimure, vanoti vatsigiri veZanu-PF vanozivikanwa zvikuru nenyaya yekushungurudza nhengo dzebato ravo.

Kushungurudzwa kwenhengo dzeMDC kuri kuitikawo kumatunhu akaita seMashonaland, Masvingo, Manicaland, nemamwe, uko vatsigiri veZanu PF vari kunzi vari kuvhiringa misangano yeMDC yakanangana nekudzidziswa kwevanhu zviri muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Mhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika iri kuitika munyika kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakanyorerana pasi nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, chibvumirano chekushanda pamwe chete murunyararo musi wa 15 Gunyana 2008.

XS
SM
MD
LG