Accessibility links

Breaking News

Mapato Madiki Anoti Ari Mubishi Kutsvagawo Rutsigiro Musarudzo


Zimbabwean villagers in one of the peace club meetings. (Photo: Courtesy of Heal Zimbabwe Trust)

Kwasara mazuva mashoma kuti sarudzo dziitwe munyika, mamwe mapato anopikisa haasi kuzivikanwa neveruzhinji kuti ari kuiteyi panguva ino zvichienzaniswa nezviri kuitwa neZanu PF pamwe neMDC Alliance.

Mufundisi Everisto Chikanga veRebuilding Zimbabwe Party vanoti bato ravo riri kuzvizivisa kuruzhinji rweZimbabwe sebato rinomirira zvido zvechitendero. Vanoti bato ravo rinoda kuisa Mwari pamberi vachitungamidza hutungamiriri hwunorairidzwa nebhaibheri.

Vaimbove gurukota remhando dzemoto, uye vari kutungamiririra mubatanidzwa wemapato ari muCoallition of Democrats, Va Elton Mangoma, vanoti vari mubishi rekutsvaga rutsigiro musarudzo munzvimbo dzakasiyana siyana, kunyange hazvo vamwe vasiri kuziva zvavari kuita.

Mutungamiri weProgressive Democrats of Zimbabwe, Muzvare Barbara Nyagomo, vanoti ivo vari kuita basa guru riri kushandura hupenyu hwevanhu mudunhu reMuzvezve kuKadoma, uko vari kukwikwidza kuve mumiriri wenzvimbo iyi muparamende.

Kunyange hazvo vemapato anopikisa aya vari kuti vari kupinda munzvimbo dzakawanda vari kutsvaga rutsigiro, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti veruzhinji havasi kuona vemapato madfiki aya vachiita zvine mutsindo mukutsvaga rutsigiro.

Pachitariswa zviri kuitika muMDC Alliance neZanu PF, veruzhinji vanoti mapato maviri aya ndiwo chete achanyatsokwikwidzana zvine mutsindo musarudzo dzegore rino.

Munyika mune mapato anodarika zana nemakumi maviri ari kukwikwidza musarudzo, kusanganisirawo vanhu vakawanda vari kukwikwidza vakazvimirira.

Sangano ravana chipangamazano re Mass Public Opinion Institute rakaburitsa muna Kubvumbi richiti dai sarudzo yakaitwa munguva iyi, paishaya munhu anonyatsokunda musarudzo yemutungamiri wenyika pakati paVaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa, izvo zvaizoita kuti sarudzo yemutungamiri wenyika idzokororwe sezvakaitika muna 2008.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG