Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Onyuka Nyika Yatarisana neSarudzo dza2023


VaGodfrey Tsenengamu
VaGodfrey Tsenengamu

Apo nyika yatarisana nesarudzo dza2023, sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, vanhu vakawanda vave kuvamba mapato matsva ezvematongerwo enyika anopikisa.

Ko izvi zvinorevei chaizvo? Svondo rapera vaimbova nhengo yeZanu-PF VaGodfrey Tsenengau vakaparura bato ravo idzva rinonzi Front For Economic Emancipation (FEEZ).

VaTsenengamu vakaudza Studio7 pachirongwa cheLiveTalk kuti vanhu vachashamisika nerwutsigiro rwavachawana musarudzo dza2023 sezvo pane vamwe veruzhinji vasiri kufadzwa nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu mumapato makuru eMDC Alliance neZanu PF.

"Vazhinji vari kunditarisira pasi asi ndine hwaro hwekutsvaga rutsigiro rwune mutsindo sezvo ndakadzidza kubva kubato reZanu PF iro randanga ndiri nhengo kwenguva ndefu ndisati ndadzingwa mushure mekutaura kuti ndange ndisisa fare nemafambisiro ange ave kuitwa zvinhu nemutungamiri mutsva VaEmmerson Mnangagwa," VaTsenengamu vakaudza Studio7.

Vanoti vane ruzivo rwepamusoro uye vane hwaro yekutsvetsva vatsigiri vebato rinopikisa reMDC Alliance zvekare.

Muna Gunyana kwakaumbwa rimwe bato rinonzi Freedom of Rights Under Sovereign (Forus) rinotungamirwa naAmai Manyara Irene Muyenziwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vanova mukuru weMedia Centre vanoti kuwanda kwemapato anopikisa kunogona kupatsanura mavhoti pasarudzo dza2023.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwop enyika VaRejoice Ngwenya vanotungamira sangano re Coalition For Market and Liberal Solutions vanotsinhira pfungwa dzava Mudzengi vachiri kubatana kunopa mukana vanopikisa kuti vakunde.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG