Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema neMitemo yeCovid-19 paZororo reEaster


President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Vanhu vakawanda vari kuita maonero akasiyana padanho rakatorwa nehurumende rekurambidza veruzhinji kufamba nzendo vachishanyira hama neshamwari pazororo re Easter rinotanga musi weChishanu, senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.

Mugari wemumusha wekwaMucheke, VaNickson Kwirirayi, vati danho
ratorwa nehurumende iri rinodzvanyirira vanhu vanofanirwa kunge vachishanyira hama dzavo panguva yezororo.

Mumwe mugari, VaFrancis Mapingure, vatiwo hurumende yaisafanira kurambidza vanoda kushanya vari mukati menyika asi kurambidza vanobva kunze kwenyika vachishandisa mabhodha.

Asi mumwe mugari weku Victoria Range, vada kuzivikanwa nekunzi, Amai
Shereni, vati hurumende yatora danho rakanaka nekuti denda iri
rinowedzera pazororo apo vanhu vanodambura nhembe nekufara vakaungana.

Izvi zvatsigirwawo naVa Thomas Makenje, vanoti vanhu vakaungana
vachiita zviitiko zvemhuri dzavo pamwe nekushumira vachipemberera
zororo iri zvinogona kutounza wevhi yechitatu yedenda reCovid-19,
vanhu vakawanda vakarwara apo huwandu hwange hwaderera munyika.

Mutauriri wekomiti yeCoivd-19 muMasvingo, VaRodgers Irimayi,
vakurudzira vanhu kuti vakoshese mitemo inobata denda reCovid-19.

Zvichakadaro, munhu mumwe chete akafa nedenda reCovid-19 nezuro, uye vanhu makumi maviri vakabatwa nechirwere ichi.

Vanhu vakabatwa nechirwere vave zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana masere nemakumi mashanu nevasere(36 858).

Vakapora vave zviuru makumi matatu nezvina nemazana matanhatu ane makumi matatunevatanhatu (34 636), uye vashaya nechirwere ichi vave chiuru nemazana mashanu nemakumaviri ne mumwe (1 521).

Vanhu vabaiwa nhomba kekutanga vave zviuru makumi manomwe nezviviri nemazana mapfumbamwe namukumi mana nevana (72 944).

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG