Accessibility links

Breaking News

Matare eDzimhosva Akawanda Ovharwa nePamusana peCovid-19


Zimbabwe’s High Court in Harare on May 15, 2021, ordered the country’s chief justice, Luke Malaba, to step down after he turned 70, despite a recent constitutional amendment allowing him to serve for five more years (Columbus Mavhunga/VOA)

Komisheni inoona nezvekushanda kwematare, yeJudicial Service Commission, yazivisa nhasi nezvekuvharwa kwemahofisi ayo pamwe nemamwe matare edzimhosva kwenguva diki nekuda kwedenda reCovid-19.

Mumashoko avo kuvatori venhau, mutauriri we Judicial Services Commission, Amai Constance Makoni Thodhlana, vati vachavhara mahofisi avo pamwe nemamwe matare edzimhosva kwemazuva maviri kuitira kuti vakwanise kuchenesa nzvimbo idzi mushure mekubatwa kwevamwe vashandi nechirwere cheCovid 19.

Amai Makoni vati matare gumi nemapfumbamwe achavharwa kunzvimbo dzakasiyana siyana dzinosanganisira Harare, Bulawayo, Chitungwiza, Shurugwi, Plumtree nedzimwe.

Gweta rinorwira kodzero, VaMarufu Mandevere, vati kunyange hazvo zvekumbovharwa kwematarekuti apfapfaidzwe mishonga yekuuraya hutachiona hweCovid-19 kwakanaka, zvichiita kuti vanopomerwa mhosva vasatongwe mhosva dzavo nenguva yakakodzera.

Vati hupenyu hwevanhu ndohwakanyanya kukosha pazvose nekudaro kana kumatare kune vabatwa nehutachiona kunofanirwa kutorwa matanho ekuona kuti hapana mumwe munhu anotapurirwa chirwere cheCovid-19.

Nezuro bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 izvo zvakasiya vanhu vafa nechirwere ichi vave zviuru zvina nemazana manomwe negumi nevasere, kana kuti 4,718.

Vanhu zviuru zvina nemakumi matatu nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare, izvo zvakasiya vanhu vabatwa nacho kubva zvachatanga vave zana rezviuru nemakumi mananezvishanu nemazana matanhatu nemakumi matatu nevaviri kana kuti 145, 632.

Kusvika mukupera kwezuva nezuro, vanhu mamiriyoni matatu nezviuru mazana masere nemakumi mapfumbamwe nezvitanhatu nemazana mashanu nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti3 896589 vakanga vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga.

Vabayiwa nhomba mbiri vakange vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mapfumbamwe neguminemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nevatatu kana kuti 2910 953.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba yeCovid-19 kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG