Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanorambidzwa Kupinda Mukati meHarare


MDC Police Brutality Zimbabwe Opposition
MDC Police Brutality Zimbabwe Opposition

Mapurisa mauto pamwe nevashandi vekanzuru yeHarare varambidza zviuru zvevanhu kupinda mukati meguta senzira yekudzivirira kuparararira kwechirwere cheCovid-19.

Kuita uku kwakatyamadza vanhu vakawanda sezvo vamwe varambidzwa kupinda muguta vange vaine magwaro anovabvumidza kuenda kumabasa mukati meguta kana mumaindasitiri.

Vatori venhau vane chitsama varambidzwawo kuita basa ravo.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, Amai Loraine Mupasiri, vati varambidzwa kupinda muguta kunyange hazvo vange vaine gwaro rinoratidza kuti vange vachienda kubasa.

Mumigwagwa yese inopinda muguta mange muine mapurisa nemauto ange achiburutsa vanhu mudzimotokari nemumabhazi eZUPCO achiongorora kuti vanhu ava vange vachikodzera kufamba here.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio7 kuti vanoshushikana zvikuru kuti vanhu varambidzwa kupinda muguta kunyange hazvo vange vaine mvumo yekuenda kumabasa nekumahofisi avo.

Kunyange hazvo vamwe vakwinisa kupinda muguta, zvinhu zvange zvakaoma ikoko sezvo mapurisa nemauto ange vri kudzinga vanhu muguta.

Zvitoro zvizhinji zvikuru sei mumigwagwa yakaita saChinhoyi, Kaguvi nemimwe zvazvarwa nguva dzekuma 2 masikati kunyange hazvo zviine mvumo yekuvharwa nenguva dza 4.30pm pasi pemutemo weNational Lockdown Level.

Mutauririri wemapurisa, Assistant Commission Paul Nyathi, vaudza Studio7 kuti mapurisa nemauto ange ari kuita basa nemazvo nekuona kuti vanokodzera chete ndivo vange vachipinda muguta.

Vatiwo vamwe vange vari kudzorerwa kumba ndevaye vange vakawandisa mudzimotikari vasingatevedze mutemo weSocial Distancing.

VaNyathi vazivisawo kuti vatambira zvichemo zvevanhu vadzorwa kumba kunyange hazvo vange vaine magwaro anovabvumidza kuenda kubasa uye vati vagadzirisa zvichemo izvi.

Asi mukuru weVendors Initiation for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzayi, vaudza Studio7 kuti kuti veruzhinji vangadai vakaziviswa nezuro nezvehurongwa hwanhasi.

Vachitaura neMuvhuro manheru mushure memusangano weNational Taskforce inoona nezvechirwere cheCovid-19, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Seneta Monica Mutsvangwa, vakati hurumende iri kushushikana kuti vanhu vave kuwandisa mukati memaguta nemadhorobha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG