Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 Chovhiringa Pfungwa dzeVashandi Vakawanda


Victoria Falls Covid-19 Vaccination Woman
Victoria Falls Covid-19 Vaccination Woman

Vamwe vana mukoti nanachiremba vakawanda vanonzi vave kubatwa nedambudziko rekusagadzikana kwepfungwa nekuda kwemashandiro avari kuita munguva ino yekurwisa dambudziko rechirwere cheCovid-19.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nezuro wakapindwa nevagari vemudunhu reMashonaland West.

Vachitaira pamusangano uyu, m ukuru anoona nezvehutano hwepfungwa mudunhu reMashonaland West kana kuti Provincial Mental Health Officer, Dr Tichaona Mahachi, vakati vana mukoti navana chiremba vanosvika mazana matanhatu nemakumi masere nevatatu kana kuti 683 vakarwara nekusagadzikana kwepfungwa uye vamwe vanomwe vakafa nechirwere cheCovid-19 mudunhu kubva patanga chirwere ichi gore rapera.

Dr Mahachi vakatiwo hurumende iri pakati pekuita dzidziso yakanangana
nevashandi vebazi rezvehutano kuvagadzirira kuti vasavhiringwe hutano
hwepfungwa pavanenge vachiita basa ravo nerutsigiro kubva kubazi
reUnicef.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti dambudziko
rekusagadzikana kwepfungwa riri kuitikawo mune mwamwe matunhu. Vati hurumende iri kuita dzidziso kunana mukoti navana chiremba mumatunhu aya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa huwandu hwevana chiremba nevakoti vari kusangana nedambudziko iri munyika yose.

Asi mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland Central, Dr
Cremance Tshuma, vati dambudziko iri harisi mudunhu mavo.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vanomwe
vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika izvo zvakasvitsa huwandu
hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pazviuru zvina nemazana
mashanu ane makumi mashanu, 4,550.

Vamwe vanhu mazana mana ane gumi nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare izvo zvasvitsa vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19
kubva zvachatanga pavanhu zviuru zana nemakumi maviri nazvitanhatu
nemazana masere ane gumi nevanomwe, 126 817.

Kusvika pakupera kwezuva nezuro, vanhu vabayiwa nhomba yekutanga
yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vakanga vave mamiriyoni maviri ane
zviuru mazana masere nemakumi manomwe nezvitatu zvine mazana masere nemakumi mapfumbamwe nevatatu, 2 873 893.

Vabayiwa nhomba dzose dziri mbiri sezvinokurudzirwa vave miriyoni
imwechete ine zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nezvitanhatu nemazana maviri ane makumi mana nevanomwe, 1 926 247.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu
mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana
kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG