Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano eVarairidzi Anoshora Kuvhurwa KweZvikoro Vamwe Vachinzi Vagare Mudzimba


Vatungamiri vePTUZ
Vatungamiri vePTUZ

Hurumende yakazivisa nezuro kuti zvikoro zvichavhurwa musi wa 30 Nyamavhuvhu kuti vadzidzi vanyore bvunzo, vamwe vadzidzi vose vachizotanga chikoro musi wa 6 Gunyana.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakaudza vatori venhau nemusi weChitatu kuti hurumende yatora danho iri mushure mekuona kuti gadziriro dzekuvhurwa kwezvikoro dzirikufamba zvakanaka.

Vakativo vadzidzi vachabvumidzwa kufamba kupinda mumadhorobha kana kufamba kubva mune rimwe dhorobha vachienda kune rimwe asi pachitevedzwa mitemo yose yekurwisana neCovid-19.

Asi rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) rinoti rakakatyamadzwa zvikuru kunzwa zvakataurwa nehurumende sezvo varairidzi vange vakamirira kuita musangano nehurumende pamusoro penyaya iyi.

Mutungamiri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti havanzwisisi kuti seyi hurumende ichida kuvhura zvikoro mushure mekuwedzera ‘lockdown’ kwemamwe masvondo maviri. Doctor Zhou vati hapana kuitwa gadziriro dzakakwana kuti zvikoro zvivhurwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mune rimwe sangano rinomirira varairidzi, reZimbabwe Teachers’ Association (ZIMTA), VaGoodwell Taderera, vanoti sangano ravo harinyanyi kufara nedanho ratorwa nehurumende, vachiti mazuva ekotoro dzose dzegore, kana kuti ‘academic year’, aifanirwa kuchinjwa kupa vadzidzi nguva yakakwana yekugadzirira kunyora bvunzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Tichienda pamhepo, tatadza kubata mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, kuti tinzwe divi ravo uye mibvunzo yatavatumira yanga isati yapindurwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG