Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai Otadza Kutenga Mapiritsi eKuronga Mhuri neKuda kweMapurisa neKushomeka kweMabhazi


MDC Police Brutality Zimbabwe Opposition
MDC Police Brutality Zimbabwe Opposition

Mamwe madzima anogara mumisha dzichiri kuvakwa anoti ari kutadza kuenda kumakirinika kunotora mapiritsi ekuronga mhuri sezvo mapurisa ari kuramba kuti vadarike pamaroadblocks munguva ino iri kukurudzirwa vanhu kuti vagare mudzimba senzira yekuyedza kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mumwe asangana nedam,budziko iri, Amai Nyarai Musaigwa vanoti vave kutyira kubata pamuviri vaine zvekare mwana mucheche wavari kuyamwisa uyo ave nemwedzi miviri.

Amai Musaigwa, avo vakatamira kuWestgate muna Zvita gore rakapera vachibva kuKuwadzana Extention, vanoti mapiritsi ekuronga mhuri aitengeswa nemadzimai epamusika zvokuti zvaivatira nyore kuawana.

Asi vanoti zvinhu zvakashanduka pavakatama. Amai Mercy Jonasi, vanotiwo vanhu vanouya nemitemo yekuti hapana munhu anopinda mudhorobha kana asina tsamba havasi kukoshesa kodzero dzemadzimai.

Mukuru weWomen’s Action Group, Amai Edna Masiiwa, vatend kuti madzimai ari kushaya kuti owana sei mapiritsi okuronga mhuri nokuti vari kudzoswa pama road block.

Amai Masiiwa vanoti zvimingamipinyi izvi ndizvo zvichaita kuti madzimai azoguma ave kubvisa mimba idzi zvinozovhiringa hutano hwavo.

Amai Masiiwa vanoti vari kushanda pamwe chete nesangano rePopulation Service Zimbabwe kuti vakwanise kupindawo munzvimbo dzisingasvike zvirongwa zvekuronga mhuri nenzira dzakasiyana siyana siyana.

Nyanzvi munyaya dzezvembereko, VaDenis Mlambo, avo vanoshanda kukiriniki yeSpilhaus iri pasi peZimbabwe National Family Planning Council, ZNFPC, vanoti huwandu hwevanhu vari kuuya kuzotora mapiritsi hwadzikira zvakanyanyisa uye vanoti makhadhi avanotora nawo mapiritsi ndiwo anoita kuti vabvumidzwe nemapurisa anomira pama road block.

VaMlambo vanoti nechikonzero chokushaya mabhazi ekufamba kuuya kuSpilhaus, madzimai akawanda vachavhiringika kuronga mhuri izvo zvinozoguma zvapa kuti vamwe vabvise mimba nenzira dzisina hutano izvo zvinokwanisa kuzovauraya.

VaMlambo vanoti makiriniki ekanzuru aimbosiwana mapiritsi kubva kusangano ravo asi ave kupihwa kubva kudura remapitsi rinonzi National Pharmaceutical Company, kana kuti NatPharm, rinova ndiro rinoendesa mapiritsi aya kuzvipatara kana makiriniki ehurumende.

Chiremba vanoshanda vari pasi pekanzuru yeHarare, Dr Kudzai Masunda vakaudza Studio 7 kuti mapiritsi ekuronga mhuri vanawo vakakurudzira vose vanoda kuronga mhuri kuti vauye kuzotora.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vakatsinhirawo mashoko aDr Masunda vachiti vose vanosiwana rubatsiro kumakiriniki ekanzuru vakasununguka kunopiwa mapiritsi aya.

Asi rimwe dambudziko riri kusangana naAmai Musaigwa nemamwe madzimai akawanda munyika vagere munzvimbo itsva dzisati dzave nemakiriniki, ndere kushaya chokufambisa kuenda kunzvimbo dzinopihwa mapiritsi aya nokuti mabhazi haasi kufamba sezvaaimboita nyika isati yavharwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, VaPaul Nyayhi, kuti mapurisa achaita sei nedambudziko riri kusangana nemadzimai akawanda aya.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG