Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai Osunungukira Kudzimba neKushaya Mari


Mamwe madzimai akazvitakura anoti ari kumanikidzwa kubatsirwa naana nyamukuta sezvo asina mari dzinodiwa kuti atange abhadhara kumakiriniki.

Madzimai akawanda anogara mumakomboni emapurazi ari pedyo neTynwald North, anoti kana achinge aita pamuviri, ari kubatsirwa naana nyamukuta pakusununguka sezvo asina mari dzinodiwa kumakiriniki ari pedyo.

Mumwe wemadzimai aya, Amai Nyarai Mugava, vanoti makiriniki ave kuvadhurira uye mari yeamburenzi yakakwira zvakare zvokuti vazhinji vavo vanopedzisira vabatsirwa vari kudzimba dzavo.

Amai Mugava vanoti vakasunungukira mwana wavo pamusika wemuTynwald North, uko vakabatsirwa nemamwe madzimai emunharaunda mwedzi miviri yapfuura.

Asi vanoti vakazovaendesa kukiriniki yekuDziresekwa kuti vanonyoresa gwaro rokuti vazokwanisa kupiwa gwaro rekuberekwa kwemwana wavo.

Gogo Tenesi Mauzhenti, avo vanogara papurazi riri pedyo nekuDzivaresekwa Extension, vanotiwo kunyange hazvo hurumende iri kukurudzira kuti madzimai abatsirwe kumakiriniki, madzimai mazhinji, vanhu vanotambura vasingakwanise kubhadhara mari dzinenge dzichidiwa.

Mbuya Elizabeth Zisengwe, avo vanogara kuCaledonia Farm, vanoti vari kusunungutsa madzimai akawanda anenge asina mari yokbhadhara kumakiriniki.

Mbuya Zisengwe vanoti vanosangana nemadzimai akawanda anongoerekana ave kurwadziwa nenhumbu zvokuti vanotozoshandisa mapepa echingwa chaiwo nokuti vanenge vasina kutakura zvishandiso zvekusunungutsa vakazvitakura.

Mutevedzeri wemukuru noona nezvezvirwere zvisingatapuriranwe mubazi rehutano, Dr Justice Mudavanhu, vanoti zvakakosha kuti vana nyamukuta vanyorese zviri pamutemo, kuitira kuti vashande basa ravo zvakanaka, pamwe nekupihwawo zvidzidzo nebazi rezvehutano.

Dr Mudavanhu vanoti ichokwadi kuti vanhu vakawanda havachakwanisi kubhadhara mari kumakiriniki nekuzvipatara zvisiri zvehurumende nepamusana pekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Kanzuru yeHarare yakakwidza mibhadharo yokurapwa kumakiriki ayo zvokuti vana amai vakazvitakura vanofanira kubhadhara mari yekunyoresa inoita zana nemakumi maviri emadhora emunyika, inova mari yakawanda kumadzimai akawanda anotambura.

Mumiriri wekomiti yehutano muparamende, Dr Ruth Labode, vanoti mamiriro ezvehupfumi hwenyika ari kuvhiringidza zvinhu zvakawanda, kusanganisirawo madzimai anenge akazvitakura.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti madzimai anodarika zviuru zvitatu vanofa pagore munyika nokuti vazhinji vavo havaende kunoongororwa hutano hwavo kana vakazvitakura.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG